Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 6-8

“Akaita Izvozvo Chaizvo”

“Akaita Izvozvo Chaizvo”

6:9, 13-16, 22

Chimbofunga basa rese raifanira kuitwa naNoa nemhuri yake pakuvaka areka vasina maturusi nezvimwe zvinhu zvekuvakisa zvavako mazuva ano.

  • Areka yacho yainge yakakura chaizvo—yakareba anenge mamita 133, yakafara anenge mamita 22, uye yakakwirira anenge mamita 13

  • Miti yaifanira kutemwa, kuchekwa uye kutakurwa

  • Areka yacho yaifanira kunamwa netara mukati nekunze

  • Zvekudya zvegore rese zvaifanira kuunganidzwa kuitira mhuri yaNoa nemhuka

  • Basa racho rinofanira kunge rakatora makore 40 kana kuti 50 kuti ripere

Nyaya iyi ingatibatsira sei patinoomerwa nekuita zvatinenge takumbirwa naJehovha?