Pauro Anokwidza Nyaya Yake Kuna Kesari Uye Anoparidzira Mambo Herodhi Agripa
Kunyange zvazvo tisingafaniri kunetseka kuti tichatii ‘patinoendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo,’ tinofanira ‘kugara takagadzirira kuzvidzivirira’ kune munhu wese anotibvunza zvatinotenda. (Mt 10:18-20; 1Pe 3:15) Kana vanotipikisa vakaedza kutitambudza ‘vachishandisa murau,’ tingatevedzera sei Pauro?—Pis 94:20.
-
Tinoshandisa kodzero dzedu dzepamutemo kuti tidzivirire mashoko akanaka.—Mab 25:11
-
Tinotaura nevane masimba neruremekedzo.—Mab 26:2, 3
-
Kana zvichiita, tinovataurira kubatsirwa kwatakaitwa nemashoko akanaka uye kubatsira kwaari kuitawo vamwe.—Mab 26:11-20