February 24–March 1
GENESISI 20-21
Rwiyo 108 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anogara Achiita Zvaanenge Avimbisa”: (10 min.)
Ge 21:1-3—Sara akava nepamuviri akabereka mwanakomana (wp17.5 14-15)
Ge 21:5-7—Jehovha akaita kuti zvinhu zvaiita sekuti hazviiti zviitike
Ge 21:10-12, 14—Abrahamu naSara vaiva nekutenda kwakasimba mune zvakavimbiswa naJehovha nezvaIsaka
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Ge 20:12—Sara aiva hanzvadzi yaAbrahamu pakudii? (wp17.3 12, mashoko emuzasi)
Ge 21:33—Abrahamu “akadana zita raJehovha” sei? (w89 7/1 20 ¶9)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha Mwari, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Ge 20:1-18 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunodzokera Kechipiri: (5 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo yacho mozobvunza vateereri kuti: Muparidzi anyatsoratidza sei kushanda kunoita rugwaro rwacho? Vhidhiyo iyi yaratidza sei kubatsira kwatingaita munhu anenge aratidza kufarira zvinodzidziswa neBhaibheri?
Paunodzokera Kechipiri: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. (th chidzidzo 4)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min. zvichidzika) bhs 35 ¶19-20 (th chidzidzo 3)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Mushumo Webasa Wepagore: (15 min.) Hurukuro inopiwa nemukuru. Verengai tsamba inobva kuhofisi yebazi yemushumo webasa wepagore, mozoita kuti vaparidzi vamakatosarudza nechekare vauye kuchikuva votaura zvinokurudzira zvavakasangana nazvo muushumiri mugore rebasa rakapfuura.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 105
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 119 Nemunyengetero