KURARAMA KWECHIKRISTU
“Kudza Baba Vako Naamai Vako”
Jesu paakanga ari panyika, akadzokororazve mutemo wekuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (Eks 20:12; Mt 15:4) Jesu akanga akasununguka kutaura izvi nekuti paaiva mudiki, aiteerera vabereki vake. (Ru 2:51) Paakanga akura, akaronga kuti amai vake vazosara vachichengetwa kana iye afa.—Joh 19:26, 27.
Mazuva ano, vechidiki pavanoteerera vabereki vavo uye pavanotaura navo zvine ruremekedzo, vanenge vachiratidza kuti vari kuvakudza. Kunyange kana vabereki vedu vachembera, tinofanira kuramba tichivakudza nekuti vanotipa mazano. (Zvi 23:22) Tinovakudzawo nekuvabatsira pane zvavanoda pakurarama. (1Ti 5:8) Tingava vakuru kana vadiki, kugara tichitaura nevabereki vedu kunoratidza kuti tinovaremekedza.
ONA VHIDHIYO INONZI NDINGATAURA SEI NEVABEREKI VANGU? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Chii chingaita kuti zvikuomere kutaura nevabereki vako?
-
Ungaratidza sei kuti unoremekedza vabereki vako paunenge uchitaura navo?
-
Zvakanakirei kuti uedze kutaura nevabereki vako kunyange pazvinenge zvisiri nyore? (Zvi 15:22)