August 1- 7
MAPISAREMA 87-91
Rwiyo 49 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Ramba Uri Munzvimbo Yakavanda yoWokumusorosoro”: (10 min.)
Pis 91:1, 2
—Kana tiri “munzvimbo yakavanda” yaJehovha hapana chinokanganisa ukama hwedu naye (w10 2/15 26-27 ¶10-11) Pis 91:3
—Satani anoedza kutiteya, sezvinoita mubati weshiri (w07 10/1 26-30 ¶1-18) Pis 91:9-14
—Jehovha ndiye nzvimbo yedu yekupotera (w10 1/15 10-11 ¶13-14; w01 11/15 19-20 ¶13-19)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Pis 89:34-37
—Isungano ipi inotaurwa nezvayo mumavhesi aya, uye Jehovha akaratidza sei kuti zvaakataura zvaizoitika? (w14 10/15 10 ¶14; w07 7/15 32 ¶3-4) Pis 90:10, 12
—Tingaverenga sei ‘mazuva edu, kuti tive nomwoyo wakachenjera?’ (w06 7/15 13 ¶4; w01 11/15 13 ¶19) Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Pis 90:1-17
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yemharidzo yekuenzanisira imwe neimwe, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Kurudzirai vaparidzi kuti vanyore mharidzo dzavo pachavo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvomuungano yenyu: (5 min.)
“Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri
—Kubatsira Vatinodzidza Navo Bhaibheri Kuti Vazvitsaurire Uye Vabhabhatidzwe”: (10 min.) Kukurukurirana. Bvunzai muparidzi ane munhu waakabatsira kusvika azvitsaurira uye abhabhatidzwa mibvunzo iyi: Makabatsira sei munhu wamaidzidza naye kuti ade Jehovha? Makamubatsira sei kuti azadzise zvinangwa zvake zvekunamata? Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) ia chits. 21 ¶1-12
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 137 Nemunyengetero