April 13-19
GENESISI 31
Rwiyo 112 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jakobho naRabhani Vanoita Sungano Yerugare”: (10 min.)
Ge 31:44-46—Jakobho naRabhani vakaunganidza murwi wematombo uye vakabva vadyira ipapo kuratidza kuti vakanga vaita sungano (it-1-E 883 ¶1)
Ge 31:47-50—Vakatumidza nzvimbo yacho kuti Garidhi uye Nharire (it-2-E 1172)
Ge 31:51-53—Vakavimbisana kuti vaizoramba vaine rugare
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Ge 31:19—Chii chingava chakaita kuti Rakeri abe zvidhori zvababa vake? (it-2-E 1087-1088)
Ge 31:41, 42—Zvakaitwa naJakobho zvinotidzidzisei kana tichishandira vanhu “vakaoma kufadza”? (1Pe 2:18; w13 3/15 21 ¶8)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha Mwari, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Ge 31:1-18 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunoona Munhu Kekutanga: (4 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo yacho mozobvunza vateereri kuti: Hanzvadzi iyi yanyatsoratidza sei kushanda kunoita vhesi yacho? Chii chayataura kuna saimba kuti izokwanisa kudzokerazve?
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Paridzira munhu ambotanga asingadi kuparidzirwa. (th chidzidzo 4)
Paunoona Munhu Kekutanga: (5 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Mupe bhurocha raMashoko Akanaka wobva watanga chidzidzo cheBhaibheri pachidzidzo 5. (th chidzidzo 8)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Kurudzirai Vasingachaiti Basa: (20 min. zvichidzika) Hurukuro inopiwa nemukuru. Ratidzai vateereri vhidhiyo yakanzi Jehovha Anoda Makwai Ake. Kana yapera dzokororai pfungwa shoma dzinokurudzira dziri papeji 14 mubhurocha raDzoka Kuna Jehovha.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 111 ¶1-9
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 146 Nemunyengetero