KURARAMA KWECHIKRISTU
Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda
Panguva yemagungano emunharaunda tinoda kutungamirirwa nekuda kwatinoita Mwari uye muvakidzani sezvatinogara tichiita pane dzimwe nguva. (Mt 22:37-39) Ichitsanangura nezverudo 1 VaKorinde 13:4-8 inoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. . . . Rudo harumboperi.” Paunenge uchiona vhidhiyo inonzi Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda, funga nezvenzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoda vamwe pagungano.
TINGARATIDZA SEI RUDO . . .
-
patinobata pekugara?
-
kana mimhanzi yava kuda kutanga?
-
kwatinenge tichigara muguta rinoitirwa gungano remunharaunda?
-
nokuzvipira kubatsira pagungano?