Zvirevo 10:1-32
10 Zvirevo zvaSoromoni.+
Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+Asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.
2 Pfuma inowanikwa nenzira dzakaipa haizobatsiri,Asi kururama ndiko kunonunura parufu.+
3 Jehovha haazoiti kuti munhu akarurama anzwe* nzara,+Asi achanyima vakaipa zvavanopanga.
4 Kugarira maoko kunokonzera urombo,+Asi maoko anoshanda nesimba anounza upfumi.+
5 Mwanakomana ane njere anounganidza zvirimwa muzhizha,Asi mwanakomana anoita zvinonyadzisa anenge akafa nehope munguva yekukohwa.+
6 Makomborero ari pamusoro wemunhu akarurama,+Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.
7 Kuyeukwa kwemunhu akarurama kunounza* chikomborero,+Asi zita remunhu akaipa richaora.+
8 Munhu ane mwoyo wakachenjera achabvuma kudzidziswa,*+Asi munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+
9 Munhu anofamba akaperera achafamba akachengeteka,+Asi munhu ane nzira dzisina kururama achazivikanwa kuti ndizvo zvaari.+
10 Munhu anochonya neziso rake achinyengera anorwadzisa,+Uye munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+
11 Muromo wemunhu akarurama itsime reupenyu,+Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.+
12 Ruvengo ndirwo runomutsa kukakavadzana,Asi rudo runofukidza kudarika kwese.+
13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yemunhu anonzwisisa,+Asi shamhu ndeyemusana wemunhu asina pfungwa.*+
14 Vaya vakachenjera vanochengeta ruzivo,+Asi muromo webenzi unotsvaga kuparadzwa.+
15 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rake rakakomberedzwa nemasvingo.
Varombo vanoparadzwa neurombo hwavo.+
16 Basa remunhu akarurama rinotungamirira kuupenyu;Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinotungamirira kuchivi.+
17 Munhu anoteerera achirayirwa* inzira inoenda kuupenyu,*Asi uya anoramba kutsiurwa anoita kuti vamwe varasike.
18 Munhu anovanza ruvengo rwake anotaura nhema,+Uye munhu ari kuparadzira makuhwa* ibenzi.
19 Kana mashoko akawanda, kukanganisa hakushayikwi,+Asi munhu wese anobata muromo wake akangwara.+
20 Rurimi rwemunhu akarurama rwakaita sesirivha yakanakisisa,+Asi mwoyo wemunhu akaipa hauna ukoshi.
21 Muromo wemunhu akarurama unozorodza* vakawanda,+Asi mapenzi anofa nekushayiwa njere.+
22 Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume,+Uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.*
23 Kuita zvinhu zvinonyadzisa kwakafanana nemutambo kubenzi,Asi uchenjeri ndehwemunhu ane ungwaru.+
24 Zvinotyiwa nemunhu akaipa zvichauya paari;Asi vakarurama vachagutswa zvido zvavo.+
25 Dutu parinopfuura, munhu akaipa achange asisipo,+Asi munhu akarurama akaita sefaundesheni inogara nekusingaperi.+
26 Sezvinoita vhiniga pamazino uye utsi mumaziso,Ndizvo zvinoita simbe kumunhu anenge aituma.*
27 Kutya Jehovha kunorebesa upenyu,+Asi makore evakaipa achatapudzwa.+
28 Zvinotarisirwa nevakarurama zvinoita* kuti vafare,+Asi tariro yevakaipa ichaparara.+
29 Nzira yaJehovha inhare* kumunhu asina chaanopomerwa,+Asi inoreva kuparadzwa kuvanhu vanoita zvakaipa.+
30 Munhu akarurama haazombowisirwi pasi,+Asi vakaipa havazorambi vachigara panyika.+
31 Muromo wemunhu akarurama unobudisa uchenjeri,*Asi rurimi rwakatsauka ruchadimburwa.
32 Muromo wemunhu akarurama unoziva zvinofadza,Asi miromo yevakaipa yakatsauka.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya wemunhu akarurama unzwe.”
^ Kana kuti “Mukurumbira wemunhu akarurama unounza.”
^ ChiHeb., “mirayiro.”
^ Kana kuti “njere.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “ari munzira inoenda kuupenyu.”
^ Kana kuti “achirangwa.”
^ Kana kuti “runyerekupe.”
^ Kana kuti “unotungamirira.”
^ Kana kuti “nekusuwa; nematambudziko.”
^ Kana kuti “kuna tenzi wayo.”
^ Kana kuti “Tariro yevakarurama inoita.”
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Kana kuti “unobereka chibereko cheuchenjeri.”