Tsamba kuvaKorose 3:1-25
3 Asi kana makamutswa pamwe chete naKristu,+ rambai muchitsvaga zvinhu zviri kumusoro, kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.+
2 Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro,+ kwete pazvinhu zviri panyika.+
3 Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavanzwa pamwe chete naKristu muri pamwe naMwari.
4 Kristu, anova ndiye upenyu hwedu,+ paanoratidzwa pachena, imiwo mucharatidzwa pachena pamwe chete naye mukubwinya.+
5 Saka urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika+ pazvinhu zvakadai seupombwe,* kusachena, chishuwo chisingadzorwi chekuda zvebonde,+ kushuva zvakaipa, uye kuva nemakaro, kunova kunamata zvidhori.
6 Hasha dzaMwari dziri kuuya pamusana pezvinhu izvi.
7 Imi maimbozvibatawo saizvozvo* mumararamiro enyu ekare.+
8 Asi iye zvino munofanira kubvisa pamuri zvese zvinoti: hasha, kutsamwa, uipi,+ kutuka,+ uye kutaura nemiromo yenyu mashoko anonyadzisira.+
9 Musareverana nhema.+ Pfekenurai unhu hwekare*+ nemabasa ahwo,
10 mupfeke unhu hutsva,+ huri kuitwa hutsva kuburikidza neruzivo rwakarurama maererano nemufananidzo weuya akahusika,+
11 pasina kuti kune muGiriki kana muJudha, kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa, mutorwa, muSitiya,* muranda, kana munhu akasununguka; asi Kristu ndiye zvinhu zvese uye ari mavari vese.+
12 Saka sevanhu vaMwari vakasarudzwa,+ vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rwakadzama muchinzwirana tsitsi,+ mutsa, kuzvininipisa,*+ unyoro,+ nemwoyo murefu.+
13 Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese*+ kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.+ Sezvo Jehovha* akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.+
14 Asi kuwedzera pazvinhu izvi, pfekai rudo,+ nekuti irwo chisungo chakakwana chekubatana.+
15 Uyewo, rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo menyu,+ nekuti makashevedzerwa rugare irworwo mumuviri mumwe chete. Uye ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.
16 Shoko raKristu ngarinyatsogara mamuri muuchenjeri hwese. Rambai muchidzidzisana uye muchikurudzirana* nemapisarema,+ nenziyo dzekurumbidza Mwari, nenziyo dzemweya dzinoimbwa muchionga, muchiimbira Jehovha* mumwoyo menyu.+
17 Zvese zvamunotaura kana kuita, zviitei zvese muzita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba nekwaari.+
18 Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu,+ sezvo zviri izvo zvakakodzera munaShe.
19 Imi varume, rambai muchida madzimai enyu+ uye musaashatirirwa.*+
20 Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese,+ nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru.
21 Imi vanababa, musashungurudza* vana venyu,+ kuti varege kuora mwoyo.
22 Imi varanda, teererai vanatenzi venyu panyama nguva dzese,+ kwete chete pavanenge vachikuonai, muchingoitira kufadza vanhu, asi nemwoyo wese, muchitya Jehovha.*
23 Zvese zvamunoita, zviitei nemweya* wese sekunge muri kuitira Jehovha,*+ kwete vanhu,
24 nekuti munoziva kuti Jehovha* ndiye achakupai nhaka semubayiro.+ Shandirai Tenzi, iye Kristu.
25 Uya anoita zvakaipa achatowana mubayiro wake wezvakaipa zvaakaita,+ uye hapana rusarura.+
Mashoko Emuzasi
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Aya ndiwo mafambiro amaimboitawo.”
^ ChiGir., “munhu wekare.”
^ Shoko rekuti “muSitiya” raishandiswa kuvanhu vaionekwa sevakasaririra.
^ Kana kuti “kuzvirereka.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “muchingoregererana.”
^ Kana kuti “muchirayirana.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “musaabata nehasha.”
^ Kana kuti “musatsamwisa.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.