Tsamba Kuna Tito 2:1-15
2 Asi iwe ramba uchitaura zvinhu zvinoenderana nedzidziso yakanaka.*+
2 Varume vakuru ngavave vanhu vanoita zvinhu zvine mwero, vanoita zvinhu nemwoyo wese, vane pfungwa dzakanaka, vanonyatsoratidza kutenda, rudo, uye kutsungirira.
3 Vakadzi vakuruwo ngavazvibate zvakakodzera vanhu vatsvene, vasingatauri zvinosvibisa mazita evamwe, vasingaitwi varanda newaini, vadzidzisi vezvakanaka,
4 kuti vakwanise kurayira* vakadzi vadiki kuti vade varume vavo, vade vana vavo,
5 vave nepfungwa dzakanaka, vane tsika dzakachena, vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo,+ kuti shoko raMwari rirege kushorwa.
6 Ramba uchikurudzirawo varume vadiki kuti vave nepfungwa dzakanaka,+
7 uchiratidza kuti uri muenzaniso wemabasa akanaka pazvese zvaunoita. Dzidzisa zvakachena uchizviita nemwoyo wese,+
8 uchitaura mashoko anobatsira,* asingagoni kushorwa,+ kuti vaya vanopikisa vanyare, vasina chakaipa chekutaura pamusoro pedu.+
9 Varanda ngavazviise pasi pavanatenzi vavo pazvese zvavanoita,+ vachiedza kuvafadza, vasingavaitisi nharo,
10 vasingavabiri,+ asi vachiratidza kuvimbika kwakakwana, kuitira kuti zvese zvavanoita zviite kuti dzidziso yeMuponesi wedu, Mwari, ioneke kunaka kwayo.+
11 Nekuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena, dzichiunza ruponeso kuvanhu vakasiyana-siyana.+
12 Dzinotidzidzisa kuramba zvinhu zvisingadiwi naMwari+ uye kuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nekururama nekuzvipira kuna Mwari munyika ino,+
13 tichimirira tariro inofadza+ nekuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kweMuponesi wedu, Jesu Kristu,
14 uyo akazvipa kuti atisunungure*+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ese uye kuti azvichenesere vanhu vake ega, vanoshingairira mabasa akanaka.+
15 Ramba uchitaura zvinhu izvi, uchikurudzira uye uchitsiura zvinoratidza kuti une masimba akakwana ekuzviita.+ Ngaparege kuva nemunhu anokutarisira pasi.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “inopa utano; inobatsira.”
^ Kana kuti “kuyeuchidza; kudzidzisa.”
^ Kana kuti “anopa utano.”
^ ChiGir., “atidzikinure; atinunure.”