Muparidzi 3:1-22
3 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,Nguva inoitika chinhu chese pasi pedenga:
2 Nguva yekuberekwa nenguva yekufa;Nguva yekudyara nenguva yekudzura zvakadyarwa;
3 Nguva yekuuraya nenguva yekuporesa;Nguva yekukoromora nenguva yekuvaka;
4 Nguva yekuchema nenguva yekuseka;Nguva yekuridza mhere nenguva yekutamba;*
5 Nguva yekurasa matombo nenguva yekuunganidza matombo;Nguva yekumbundira nenguva yekurega kumbundira;
6 Nguva yekutsvaga nenguva yekurega kutsvaga uchiti hazvichawaniki;Nguva yekuchengeta nenguva yekurasa;
7 Nguva yekubvarura+ nenguva yekusona;Nguva yekunyarara+ nenguva yekutaura;+
8 Nguva yekuda nenguva yekuvenga;+Nguva yehondo nenguva yerugare.
9 Mushandi anowaneiko pabasa rake rese?+
10 Ndakaona basa rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari kuti vagare vakabatikana.
11 Iye akaita zvinhu zvese zvakanaka* panguva yazvo.+ Akatoisa nguva isingagumi mumwoyo mavo; kunyange zvakadaro, vanhu havafi vakanzwisisa basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.
12 Ndakaona kuti hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti vafare uye kuti vaite zvakanaka muupenyu hwavo,+
13 uyewo kuti munhu wese adye nekunwa uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba. Icho chipo chaMwari.+
14 Ndava kuziva kuti zvinhu zvese zvinoitwa naMwari wechokwadi zvichagara nekusingaperi. Hapana chekuwedzera kana kutapudza pazviri. Mwari wechokwadi akazviita zvakadaro, kuti vanhu vamutye.+
15 Zvese zvinoitika zvakatomboitika, uye zvichauya zvakagara zviripo;+ asi Mwari wechokwadi anotsvaga zvanga zvichiedza kuitwa.*
16 Ndakaonawo izvi pasi pezuva: Panzvimbo pekutonga zvakarurama paiva neuipi, uye panzvimbo pekururama paiva neuipi.+
17 Saka ndakati nechemumwoyo: “Mwari wechokwadi achatonga vese, vakarurama nevakaipa,+ nekuti zvinhu zvese nemabasa ese zvine nguva yazvo.”
18 Ndakataurawo nechemumwoyo kuti Mwari wechokwadi achaedza vanakomana vevanhu ovaratidza kuti vakafanana nemhuka,
19 nekuti kune magumo evanhu nemagumo emhuka; zvese zvinoguma zvakafanana.+ Kufa kunoita chimwe, ndiko kufa kunoita chimwe chacho; zvese zvine simba reupenyu rimwe chete.+ Saka munhu hapana paanopfuura mhuka, nekuti zvese hazvina zvazvinobatsira.
20 Zvese zvinoenda kunzvimbo imwe chete.+ Zvese zvinobva kuguruva,+ uye zvese zvinodzokera kuguruva.+
21 Ndiani anonyatsoziva kana simba reupenyu revanhu richikwira kudenga, uye kana simba reupenyu remhuka richidzika panyika?+
22 Uye ndakaona kuti hapana chinhu chiri nani pane kuti munhu afadzwe nebasa rake,+ nekuti ndiwo mubayiro* wake; nekuti ndiani angamuita kuti aone zvichaitika kana iye aenda?+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “yekukwakuka; yekusvetuka-svetuka.”
^ Kana kuti “zvakanyatsorongwa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “zvakapfuura.”
^ Kana kuti “mugove.”