Muparidzi 1:1-18
1 Mashoko emuunganidzi,+ mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema.+
2 “Hazvina zvazvinobatsira* zvachose!” anodaro muunganidzi,“Hazvina zvazvinobatsira zvachose! Zvinhu zvese hazvina zvazvinobatsira!”+
3 Munhu anowanei pabasa rake rese rakaoma,Pakufondoka kwaanoita pasi pezuva?+
4 Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya,Asi nyika inoramba iripo* nekusingaperi.+
5 Zuva rinobuda, uye zuva rinovira;Rinobva rakurumidza zvakare kudzokera kwarinobudira.+
6 Mhepo inoenda kumaodzanyemba, yotenderera ichienda kuchamhembe;Inoramba ichingotenderera; mhepo inoramba ichitenderera.
7 Nzizi* dzese dzinoyerera dzichipinda mugungwa, asi gungwa racho harizari.+
Kunobva nzizi dzichiyerera, ndiko kwadzinodzokera, dzoyerera zvakare.+
8 Zvinhu zvese zvinonetesa;Hapana angatombogona kutaura nezvazvo.
Ziso harigutswi nekuona;Uye nzeve haizari nekunzwa.
9 Zvakanga zviripo ndizvo zvichavapozve,Uye zvakamboitwa zvichaitwazve;Hapana chinhu chitsva pasi pezuva.+
10 Pane chinhu here chinganzi nemunhu, “Ona ichi, chitsva”?
Chakagara chiriko kubvira kare kare;Chakagara chiriko tisati tatombovapo.
11 Hapana anoyeuka vanhu vekare;Uye hapana achayeuka vachazouya;Naivowo havazoyeukwi nevamwe vachazouya.+
12 Ini, muunganidzi, ndiri mambo waIsraeri muJerusarema.+
13 Ndakaisa mwoyo wangu pakudzidza uye kuongorora neuchenjeri+ zvinhu zvese zvakaitwa pasi pedenga,+ basa rinotambudza rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari rinoita kuti varambe vaine zvekuita.
14 Ndakaona mabasa ese aiitwa pasi pezuva,Uye zvese zvakanga zvisina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo chaiko!+
15 Chakakombama hachigoni kutwasanudzwa,Uye chisipo hazviiti kuti chiverengwe.
16 Ndakabva ndati nechemumwoyo: “Iye zvino ndava neuchenjeri hwakawanda kupfuura munhu wese akavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema,+ uye mwoyo wangu wava neuchenjeri chaizvo pamwe neruzivo.”+
17 Ndakaita kuti mwoyo wangu uzive uchenjeri uye uzive upengo* uye uzive kuita zveupenzi,+ uye izviwo kudzingana nemhepo.
18 Nekuti uchenjeri hukawandisa hunokonzera kuvhiringidzika kwakanyanya,Zvekuti munhu wese anowedzera ruzivo anowedzera marwadzo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “maturo.”
^ ChiHeb., “inomira.”
^ Kana kuti “Nzizi dzemuchando.”
^ Kana kuti “upenzi hwakanyanyisa.”