Mariro 2:1-22
א [Aleph]
2 Inga Jehovha afukidza mwanasikana weZiyoni negore rekutsamwa kwake!
Akanda runako rwaIsraeri panyika achirubvisa kudenga.+
Haana kuyeuka chitsiko chetsoka dzake+ pazuva rekutsamwa kwake.
ב [Beth]
2 Jehovha amedza nzvimbo dzese dzekugara dzaJakobho asina tsitsi.
Aparadza nhare* dzemwanasikana weJudha akashatirwa kwazvo.+
Awondomora uye asvibisa umambo+ nemachinda ahwo.+
ג [Gimel]
3 Agura simba* rese raIsraeri akatsamwa kwazvo.
Akabvisa ruoko rwake rwerudyi pakauya muvengi,+Uye akaramba achipfuta pakati paJakobho semoto, akaparadza zvese zvakapoteredza.+
ד [Daleth]
4 Akombamisa* uta hwake semuvengi; ruoko rwake rwerudyi rwagadzirira semhandu;+Akaramba achiuraya vaya vese vanoyevedza.+
Uye akadururira kutsamwa kwake mutende remwanasikana weZiyoni semoto.+
ה [He]
5 Jehovha aita semuvengi;+Amedza Israeri.
Amedza shongwe dzese dzeZiyoni;Aparadza nhare dzaro dzese.
Anoita kuti kuchema nekushungurudzika zviwande mumwanasikana weJudha.
ו [Waw]
6 Anorwisa dumba rake+ sekaimba kari mumunda.
Agumisa* mutambo wake.+
Jehovha aita kuti mutambo nesabata zvikanganwike muZiyoni,Uye kutsamwa kwake kunotyisa kwaita kuti asaremekedza mambo nemupristi.+
ז [Zayin]
7 Jehovha arasa atari yake;Azvidza nzvimbo yake tsvene.+
Aisa masvingo eshongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba muruoko rwemuvengi.+
Vakwidza manzwi avo vari muimba yaJehovha,+ sepazuva remutambo.
ח [Heth]
8 Jehovha asarudza kuti achatoparadza rusvingo rwemwanasikana weZiyoni.+
Atambanudza tambo yekuyeresa.+
Haana kudzosa ruoko rwake kuti rurege kuparadza.*
Uye anoita kuti rusvingo nemurwi wekudzivirira nawo zvicheme.
Zvese hazvisisina kusimba.
ט [Teth]
9 Magedhi aro anyura pasi.+
Aparadza uye apwanya mazariro* aro.
Mambo waro nemachinda aro vari pakati pemarudzi.+
Hapana mutemo;* kunyange vaprofita varo hapana zvavari kuratidzwa naJehovha.+
י [Yod]
10 Vakuru vemwanasikana weZiyoni vagara pasi vakanyarara.+
Vanoisa guruva mumisoro yavo uye vanopfeka masaga.+
Mhandara dzeJerusarema dzakotamisa misoro pasi.
כ [Kaph]
11 Maziso angu aneta nekuchema misodzi.+
Mudumbu mangu hamuna* kugadzikana.
Chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yekuwa kwaita mwanasikana* wevanhu vangu,+Nemhaka yekuziya kuri kuita vana nevacheche mumisika yeguta.+
ל [Lamed]
12 Vanoramba vachibvunza vanaamai vavo vachiti, “Zvirimwa newaini zviripi?”+
Pavanoziya mumisika yeguta semunhu akuvadzwa,Pavanenge vava kufa* vari mumaoko avanaamai vavo.
מ [Mem]
13 Chii chandingashandisa sechapupu,Kana kuti ndingakufananidza nei, haiwa iwe mwanasikana weJerusarema?
Ndingakuenzanisa nei kuti ndikunyaradze, haiwa iwe mhandara yeZiyoni?
Nekuti kuparara kwako kukuru segungwa.+ Ndiani angakuporesa?+
נ [Nun]
14 Zviratidzo zvakaonekwa nevaprofita vako zvaiva zvenhema uye zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+Uye havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti urege kutapwa,+Asi vakaramba vachiona zviratidzo zvenhema uye zvinotsausa vachikuudza.+
ס [Samekh]
15 Vese vanopfuura nemugwagwa vanokurovera maoko zvekutsvinya.+
Vanoridza muridzo vachishamisika+ uye vanodzungudzira mwanasikana weJerusarema misoro, vachiti:
“Ndiro here guta riya ravaiti nezvaro, ‘Rizere nerunako, mufaro wenyika yese’?”+
פ [Pe]
16 Vavengi vako vese vakakushamira miromo yavo.
Vanoridza muridzo uye vanorumanisa mazino avo vachiti: “Tamumedza.+
Iri ndiro zuva ratanga takamirira!+ Rasvika, uye tariona!”+
ע [Ayin]
17 Jehovha aita zvaaida;+ azadzisa zvaakataura,+Zvaakarayira kare kare.+
Aputsa asinganzwi tsitsi.+
Aita kuti muvengi afare nezvaitika kwauri; akwidziridza simba* remhandu dzako.
צ [Tsade]
18 Mwoyo yavo inochema kuna Jehovha, haiwa iwe rusvingo rwemwanasikana weZiyoni.
Misodzi ngaiyerere serukova siku nesikati.
Usazorora, ziso rako* ngarirege kuzorora.
ק [Qoph]
19 Muka! Shevedzera usiku panotanga nguva dzekurinda.
Durura mwoyo wako pamberi pechiso chaJehovha semvura.
Musimudzire maoko ako kuitira upenyu hwevana* vakoVari kuziya nenzara pamakona ese emigwagwa.+
ר [Resh]
20 Tarisai muone haiwa Jehovha uya wamakarwadzisa chaizvo.
Vakadzi vanofanira kuramba vachidya vana vavo+ vavakabereka, ivo vana vavo vakanyatsosvika* here,Kana kuti vapristi nevaprofita vanofanira kuurayirwa munzvimbo tsvene yaJehovha here?+
ש [Shin]
21 Mukomana mudiki nemurume akwegura vakati rabada vakafa mumigwagwa.+
Mhandara dzangu nemajaya angu vaurayiwa nebakatwa.+
Makauraya pazuva rekutsamwa kwenyu; makauraya zvisina tsitsi.+
ת [Taw]
22 Munounganidza zvinhu zvinotyisa kubva kumativi ese sekunge kuti izuva remutambo.+
Pazuva rekutsamwa kwaJehovha hapana akapukunyuka kana akapona;+Muvengi wangu akaparadza vaya vandakabereka* ndikarera.+
Mashoko Emuzasi
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ ChiHeb., “nyanga.”
^ ChiHeb., “Atsika.”
^ Kana kuti “Aparadza.”
^ ChiHeb., “kumedza.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ Uku kudetemba uchitaura chimwe chinhu seuri kureva munhu, zvichida pachiratidza kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro.
^ ChiHeb., “Ura hwangu hahuna.”
^ Kana kuti “mweya wavo paunenge wava kupera.”
^ ChiHeb., “nyanga.”
^ ChiHeb., “mwanasikana weziso rako.”
^ Kana kuti “mweya yevana.”
^ Kana kuti “izvo zvibereko zvavo zvakanyatsosvika.”
^ Kana kuti “vandakabereka vaine utano.”