Mapisarema 57:1-11
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Paakatiza Sauro, akanopinda mubako.+
57 Ndinzwireiwo nyasha, Mwari, ndinzwireiwo nyasha,Nekuti ndinopotera* kwamuri,+Uye ndinopotera mumumvuri wemapapiro enyu kusvikira matambudziko apfuura.+
2 Ndinoshevedzera kuna Mwari Wekumusorosoro,Kuna Mwari wechokwadi, uyo anoita kuti matambudziko angu agume.
3 Achanditumira rubatsiro kubva kudenga, ondiponesa.+
Achavhiringidza uya anondibvambura. (Sera)
Mwari achatumira rudo rwake rusingachinji uye kutendeka kwake.+
4 Ndakakombwa* neshumba;+Ndinofanira kurara pakati pevanhu vanoda kundidya,Vane mazino anenge mapfumo nemiseveUye vane rurimi runenge bakatwa rakapinza.+
5 Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+
6 Vakaisa mambure kuti vateye tsoka dzangu;+Ndakotamiswa* nekushungurudzika.+
Vakachera gomba pamberi pangu,Asi ivo ndivo vakawira mariri.+ (Sera)
7 Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari,+Mwoyo wangu wakasimba.
Ndichaimba uye ndicharidza rwiyo.
8 Muka, iwe kukudzwa kwangu.
Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo rudimbwa.
Ndichaita kuti mambakwedza amuke.+
9 Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha;+Ndichaimba ndichikurumbidzai* pakati pemarudzi.+
10 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakakura, rwakakwirira sematenga,+Uye kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
11 Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “mweya wangu unopotera.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakakombwa.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakotamiswa.”
^ Kana kuti “Ndichakuridzirai rwiyo.”