Mapisarema 17:1-15
Munyengetero waDhavhidhi.
17 Inzwaiwo chikumbiro changu chekuti nditongwe zvakarurama Jehovha;Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa;Teererai munyengetero wangu unotaurwa pasina kunyengera.+
2 Ndipeiwo mutongo wakarurama;+Maziso enyu ngaaone zvinhu zvakarurama.
3 Makaongorora mwoyo wangu, makandiongorora usiku;+Makandinatsa;+Muchaona kuti handina kuronga zvinhu zvakaipa,Uye muromo wangu hauna kutadza.
4 Kana ari mabasa evanhu,Maererano neshoko remiromo yenyu, ini handifambi munzira dzegororo.+
5 Nhanho dzangu ngadzirambe dziri pamakwara enyuKuti tsoka dzangu dzirege kugumburwa.+
6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nekuti muchandipindura.+
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.* Inzwaiwo mashoko angu.+
7 Ndiratidzeiwo nenzira inoshamisa rudo rwenyu rusingachinji,+Haiwa imi Muponesi wevaya vanotsvaga kwekupotera kuruoko rwenyu rwerudyiVachitiza vaya vanokupandukirai.
8 Ndichengetei semboni yeziso renyu;+Ndivanzei mumumvuri wemapapiro enyu.+
9 Ndichengetei pavanhu vakaipa vari kundirwisa,Pavavengi vangu vakandikomba vanoda kundiuraya.+
10 Havasisina kana hanya;*Vanotaura nemiromo yavo vachizvikudza;
11 Iye zvino vanotikomba;+Vanotsvaga mukana wekuti vaite kuti tiparare.*
12 Akafanana neshumba iri kuda kubvambura-bvambura mhuka yayabata,Neshumba ine simba yakahwandira yakavhumbama.
13 Simukai, haiwa Jehovha, mumirisane naye+ uye mumuwisire pasi;Ndinunurei* nebakatwa renyu pane akaipa;
14 Ndinunureiwo neruoko rwenyu Jehovha,Pavanhu venyika ino, vane mugove muupenyu huno,+Vaya vamunozadza nezvinhu zvakanaka zvamunovapa+Uye vanosiyira nhaka vanakomana vavo vakawanda.
15 Asi ini ndichaona chiso chenyu mukururama;Ndinogutswa pandinomuka pamberi penyu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Kotamai mundinzwewo.”
^ Kana kuti “Vakafukidzwa nemafuta avo.”
^ Kana kuti “wekutikandira pasi.”
^ Kana kuti “Nunurai mweya wangu.”