Mapisarema 144:1-15
Rwiyo rwaDhavhidhi.
144 Jehovha, Dombo rangu,+ ngaarumbidzwe,Anodzidzisa maoko angu kurwa,Uye minwe yangu hondo.+
2 Ndiye rudo rwangu rusingachinji uye nhare yangu,Nzvimbo yangu yekupotera* uye mununuri wangu,Nhoo yangu uye ndiye wandakapotera kwaari,+Iye anokunda marudzi achiaisa pasi pangu.+
3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamuine hanya naye,Iye mwanakomana wemunhu zvamunomufunga?+
4 Munhu akafanana nemhepowo zvayo inofemwa;+Mazuva ake akafanana nemumvuri unopfuura.+
5 Haiwa Jehovha, dzikisai matenga enyu muburuke;+Batai makomo muite kuti apfungaire.+
6 Itai kuti mheni ipenye muparadzire muvengi;+Pfurai miseve yenyu muvavhiringidze.+
7 Tambanudzai maoko enyu muri kumusoro;Ndinunurei mundiponese pamvura ine simba,Paruoko rwevatorwa,+
8 Vane miromo inoreva nhemaUye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.*
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva.+
Ndichaimba ndichikurumbidzai,* ndichiridza chiridzwa chine tambo gumi,
10 Ndichiridzira iye anoita kuti madzimambo akunde,+Anonunura mushumiri wake Dhavhidhi pabakatwa rinouraya.+
11 Ndinunurei mundiponese paruoko rwevatorwa,Vane miromo inoreva nhemaUye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.
12 Vanakomana vedu vachabva vaita sezvirimwa zvidiki zvinokurumidza kukura,Vanasikana vedu vova sembiru dzepakona dzepamuzinda dzakavezwa.
13 Matura edu achafashukira nezvirimwa zvakasiyana-siyana;Makwai edu ari mumafuro achawedzera nezviuru, nemakumi ezviuru.
14 Pamombe dzedu dzine mazamu, hapana dzichatadza kubereka kana dzichasvodza;Hapazovi nekuridza mhere mumisika yedu.
15 Vanofara vanhu vanoitirwa izvi!
Vanofara vanhu vana Jehovha saMwari wavo!+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ ChiHeb., “Uye ruoko rwavo rwerudyi ruoko rwerudyi rwenhema.”
^ Kana kuti “Ndichakuridzirai rwiyo.”