Mapisarema 127:1-5
Rwiyo Rwekukwidza. RwaSoromoni.
127 Kana Jehovha asingavaki imba,Vavaki vayo vanoshandira pasina.+
Kana Jehovha asingachengetedzi guta,+Murindi wacho anorara akasvinurira pasina.
2 Imi munofumomukira pasina,Munononoka kurara pasina,Munofondoka pasina kuti muwane zvekudya,Nekuti iye anochengeta vanhu vake vaanoda asi achivawanisa hope.+
3 Onai! Vanakomana* inhaka inobva kuna Jehovha;+Vana mubayiro unobva kwaari.+
4 Semiseve iri muruoko rwemurume ane simba,Ndizvo zvakaita vanakomana veudiki.+
5 Anofara murume anozadza homwe yake yemiseve navo.+
Havazonyadziswi,Nekuti vachataura nevavengi pagedhi reguta.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Vana.”