Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 13:1-37
13 Paaibuda mutemberi mumwe mudzidzi wake akati kwaari: “Mudzidzisi, onai! kunaka kwakaita matombo aya nezvivakwa zvacho!”+
2 Asi Jesu akati kwaari: “Handiti uri kuona zvivakwa zvikuru izvi? Matombo ese ari pano achakoromorwa zvekuti hapana richasara riri pamusoro perimwe.”+
3 Paakanga akagara muGomo reMiorivhi akatarisa kutemberi, Petro, naJakobho, naJohani, naAndreya vakamubvunza vari vega kuti:
4 “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika riini, uye kuti chii chichava chiratidzo chekuti zvinhu zvese izvi zvava kusvika kumagumo?”+
5 Saka Jesu akatanga kuvaudza kuti: “Chenjerai kuti parege kuva nemunhu anokutsausai.+
6 Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.
7 Uyewo, pamunonzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo, musavhunduka; zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi mugumo unenge usati wasvika.+
8 “Nekuti rudzi ruchamukira rudzi neumambo huchamukira umambo;+ kuchava nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda; kuchavawo nenzara.+ Izvi zvichava kutanga kwemarwadzo anotambudza.+
9 “Asi imi, zvichenjererei. Vanhu vachakuendesai kumatare ekwamunogara,+ uye mucharohwa mumasinagogi+ momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nekuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.+
10 Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.+
11 Uye pavanenge vachikuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pekuti muchataurei; asi taurai zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nekuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mweya mutsvene ndiwo unenge uchitaura.+
12 Uyezve, mukoma achaurayisa munin’ina, uye baba vachaurayisa mwana, uye vana vachapandukira vabereki vachivaurayisa.+
13 Uye muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu.+ Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo+ achaponeswa.+
14 “Asi, pamunoona chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese,+ chimire pachisingafaniri kuva (anoverenga ngaanzwisise), vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+
15 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kana kupinda mukati kuti atore chimwe chinhu mumba make;
16 uye munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kuzvinhu zvaasiya kuti anotora nguo yake yekunze.
17 Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo!+
18 Rambai muchinyengetera kuti zvirege kuitika munguva yechando;
19 nekuti mazuva iwayo achava mazuva ekutambudzika+ kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.+
20 Ndingatoti kudai Jehovha* akanga asina kutapudza mazuva acho, hapana munhu aiponeswa. Asi nekuda kwevakasarudzwa vaakasarudza, akatapudza mazuva iwayo.+
21 “Panguva iyoyo, kana munhu akati kwamuri, ‘Uyai muone! Kristu ari kuno,’ kana kuti, ‘Onai! Uyo ari uko,’ musazvibvuma.+
22 Nekuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka+ uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti kana zvichibvira, vatsause vakasarudzwa.
23 Saka imi chenjererai.+ Ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
24 “Asi mumazuva iwayo, pashure pekutambudzika ikoko, zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki,+
25 uye nyeredzi dzichange dzichiwa kudenga, uye masimba ekudenga achazununguswa.
26 Uye vachabva vaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari mumakore nesimba guru nekubwinya.+
27 Uye achabva atuma ngirozi, dzounganidza vanhu vake vaakasarudza vachibva kumativi mana, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.+
28 “Dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Mapazi awo paanotanga kutungira obudisa tumashizha, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.+
29 Nemiwo pamunoona zvinhu izvi zvava kuitika, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+
30 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika.+
31 Denga nenyika zvichapfuura,+ asi mashoko angu haazombopfuuri.+
32 “Hapana munhu anoziva zuva racho kana nguva yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.+
33 Rambai makatarisa, rambai makamuka,+ nekuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika riini.+
34 Zvakafanana nemumwe murume akaenda kunze kwenyika, ndokusiya imba yake iri mumaoko evaranda vake,+ achipa mumwe nemumwe basa rake, akarayira muchengeti wesuo kuti arambe akarinda.+
35 Saka rambai makarinda, nekuti hamuzivi pachauya tenzi wemba,+ kungava kumanheru kana kuti pakati peusiku kana kuti panorira jongwe kana kuti mambakwedza,+
36 kuti paanosvika musingafungiri, haakuwanii makarara.+
37 Asi zvandiri kutaura kwamuri, ndiri kuzvitaurira vese: Rambai makarinda.”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.