Joeri 3:1-21
3 “Nekuti mumazuva iwayo nepanguva iyoyo,Pandichadzosa nhapwa dzeJudha neJerusarema,+
2 Ndichaunganidzawo marudzi eseNdodzika nawo kuBani raJehoshafati.*
Ndichavatonga ikoko+Nemhaka yezvavakaitira vanhu vangu uye nhaka yangu Israeri,Nekuti vakavaparadzira pakati pemamwe marudzi,Uye vakagovana nyika yangu.+
3 Vaikanda mijenya vachigovana vanhu vangu;+Vairara nepfambi voibhadhara nekuipa kakomana,Vachitengesa kasikana kuti vapiwe waini yekunwa.
4 Ndakakutadziraiwo chii,Imi Tire neSidhoni, nenzvimbo dzese dzeFiristiya?
Pane zvandakakuitirai zvamuri kutsiva here?
Kana muri kunditsiva,Ndichaita kuti zvamuri kundiitira zvidzoke kwamuri nekukurumidza zvikuru.+
5 Nekuti makatora sirivha yangu negoridhe rangu,+Uye makaenda nepfuma yangu yakanakisisa kutemberi dzenyu;
6 Uye makatengesa vanhu vemuJudha neJerusarema kuvaGiriki,+Kuti muvaendese kure nenyika yavo;
7 Zvino ndiri kuita kuti vadzoke vachibva kwamakavatengesa,+Uye ndichakuitirai sezvamakavaitira.*
8 Ndichatengesa vanakomana nevanasikana venyu kuvanhu venyika yeJudha,+Uye vachavatengesa kuvarume vekuShebha, rudzi ruri kure kure;Nekuti Jehovha pachake azvitaura.
9 Zivisai izvi pakati pemarudzi:+
‘Gadzirirai kurwa! Kurudzirai varume vane simba!
Mauto ese ngaaswedere pedyo, ngaauye kuzorwa!+
10 Pfurai miromo yemagejo enyu kuti ive mapakatwa uye mapanga enyu ekuchekerera miti kuti ave mapfumo.
Asina simba ngaati: “Ndine simba.”
11 Uyai mubatsire, imi marudzi ese akapoteredza, unganai!’”+
Haiwa Jehovha, itai kuti vanhu venyu vane simba* vadzike kunzvimbo iyoyo.
12 “Marudzi ngaasimuke, auye kuBani raJehoshafati;Nekuti ikoko ndichagara pasi kuti nditonge marudzi ese akapoteredza.+
13 Pinzai jeko, nekuti zvirimwa zvaibva.
Uyai muzotsika-tsika mazambiringa, nekuti chisviniro chewaini chazara.+
Waini yava kufashukira mairi kuyerera ichipinda, nekuti zvakaipa zvavo zvawandisa.
14 Mubani rekutongwa mune vanhu vakawanda zvekuwanda zviya,Nekuti zuva raJehovha raachatonga vanhu mubani iroro rava pedyo.+
15 Zuva nemwedzi zvichasviba,Uye nyeredzi hadzizopenyi.
16 Uye Jehovha achadzvova ari muZiyoni,Achadanidzira ari muJerusarema.
Uye denga nenyika zvichazununguka;Asi Jehovha achava nzvimbo yekupotera yevanhu vake,+Rusvingo rwevaIsraeri.
17 Uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, anogara muZiyoni, gomo rangu dzvene.+
Jerusarema richava nzvimbo tsvene,+Uye vatorwa havazopfuurizve nemariri.+
18 Zuva iroro mumakomo muchachururuka waini inotapira,+Muzvikomo muchayerera mukaka,Uye hova dzese dzenyika yeJudha dzichayerera mvura.
Chitubu chichayerera chichibva mumba maJehovha,+Uye chichadiridza Bani reMibayamhondoro.
19 Asi Ijipiti ichava dongo,+Uye Edhomu ichava sango risingagarwi,+Nemhaka yekurwisa kwavakaita vanhu veJudha,+Vachideura ropa risina mhosva munyika yacho.+
20 Asi nyika yeJudha icharamba ichigarwa,Uye muJerusarema muchagarwa kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
21 Ndichati ropa ravo randakanga ndati rine mhosva, harisisina mhosva;+Uye Jehovha achagara muZiyoni.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Jehovha Mutongi.”
^ ChiHeb., “ndichaita kuti zvidzoke pamisoro yenyu.”
^ Kana kuti “varwi venyu.”