Jobho 38:1-41
38 Jehovha akabva apindura Jobho ari mudutu achiti:+
2 “Ndianiko uyu ari kudzikatidza zano ranguAchitaura zvaasingazivi?+
3 Chigadzirira semunhu wemurume;Ndichakubvunza, iwe wondiudza.
4 Wakanga uri kupi pandakamisa nyika?+
Ndiudze, kana uchifunga kuti unonzwisisa.
5 Ndiani akatara kukura kwayo, pamwe unozviziva,Kana kuti ndiani akatambanudza tambo achiiyera?
6 Ko zvigadziko zvayo zvakagara pai,Kana kuti ndiani akamisa dombo rayo repakona,+
7 Nyeredzi dzemangwanani+ padzakashevedzera nemufaro pamwe chete,Uye vanakomana vese vaMwari*+ pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?
8 Uye ndiani akavharira gungwa nemasuo+Parakaputika richibuda muchibereko,
9 Pandakaripfekedza makore,Ndikariputira nerima gobvu,
10 Pandakariisira muganhu wangu,Ndikaisa mazariro aro nemasuo,+
11 Ndikati, ‘Unogona kusvika apa, asi haufaniri kupapfuura;Pano ndipo pachagumira mafungu ako makuru’?+
12 Wakamborayira mangwanani hereKana kuita kuti mambakwedza azive nzvimbo yawo,+
13 Kuti abate migumo yenyikaUye azunze vakaipa kuti vabve pairi?+
14 Inoshandurwa sevhu rekuumbisa riri pasi pechidhindo,*Uye zviri pairi zvinooneka senguo yakashongedzwa.
15 Asi vakaipa vanovharirwa chiedza chavo,Uye ruoko rwavo rwakasimudzwa runotyorwa.
16 Wakambodzika ukasvika panobva mvura yegungwa here,Kana kupinda mumvura yakadzika uchiiongorora?+
17 Wakamboratidzwa magedhi erufu+ here,Kana kuti wakamboona magedhi erima gobvu*+ here?
18 Wava kunzwisisa kukura kwakaita nyika here?+
Ndiudze, kana uchiziva zvese izvi.
19 Chiedza chinogara nechekupi?+
Uye rima rinogara kupi,
20 Kuti uende nazvo kwazvinogara,Wonzwisisa nzira dzinoenda kumba kwazvo?
21 Unoziva izvi nekuti wakanga watoberekwa kare hereUye nekuti makore* ako mazhinji?
22 Wakambopinda mumatura echando,+Kana kuona matura echimvuramabwe here,+
23 Zvandakachengetera nguva yekutambudzika,Pazuva rekurwa nerehondo?+
24 Chiedza chinopararira chichibva* nekupi,Uye mhepo yekumabvazuva inovhuvhuta panyika ichibva nekupi?+
25 Ndiani akavhurira mugero mvura zhinji iri mudenga kuti idzikeUye akagadzira nzira inofamba negore remvura ine mabhanan’ana,+
26 Kuti mvura inaye kusingagari vanhu,Murenje musina vanhu,+
27 Kuti igutse nzvimbo dzakaita magwenga,Ichiita kuti uswa humere?+
28 Ko mvura inonaya ina baba here,+Uye ndiani akabereka madonhwe edova?+
29 Magodo echando akabuda muchibereko chaani,Uye ndiani akabereka chando chakachena chichibva mudenga+
30 Panofukidzwa mvura sekunge yakavharwa nedombo,Uye pamusoro pemvura yakadzika pachiita zigodo?+
31 Ungasunga tambo dzenyeredzi dzeKima* here,Kana kusunungura tambo dzenyeredzi dzeKesiri?*+
32 Ungatungamirira nyeredzi dzakaungana panzvimbo imwe chete* mumwaka wadzo here,Kana kutungamirira nyeredzi dzeAshi* pamwe chete nevanakomana vadzo?
33 Unoziva mitemo yekudenga here,+Kana kuti ungaita kuti simba rayo* rishande panyika here?
34 Ungashevedzera kumakoreKuti mvura inaye zvine simba yokufukidza here?+
35 Ungatuma mheni here?
Ingauya here yoti kwauri, ‘Ndauya!’?
36 Ndiani akaisa uchenjeri mumakore,*+Kana kuti ndiani akaita kuti zvinhu zviri mudenga zvinzwisise?*+
37 Ndiani akachenjera zvekuti angaverenga makore,Kana kuti ndiani angadeura zvirongo zvemvura zvekudenga,+
38 Guruva parinova matope royereraUye mavhinga enyika paanonamatirana?
39 Ungavhimira shumba mhuka here,Kana kupedza nzara yeshumba diki+
40 Padzinovhumbama madzinogara,Kana kuti padzinohwandira dziri mumapako adzo?
41 Ndiani anogadzirira gunguo zvekudya,+Panochema vana varo vachida kubatsirwa naMwari,Vachingodzungaira nekuti hapana chekudya?
Mashoko Emuzasi
^ Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.
^ Kana kuti “pechisimbiso.”
^ Kana kuti “emumvuri werufu.”
^ ChiHeb., “mazuva.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Mheni inopararira ichibva.”
^ ChiHeb., “dzeMazaroti.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “rake.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “mumunhu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “akaita kuti pfungwa dzinzwisise.”