Jeremiya 9:1-26
9 Kudai hangu musoro wangu waiva mvura,Maziso angu ari chisipiti chemisodzi!+
Ndaizochema siku nesikati,Ndichichema vakaurayiwa pavanhu vangu.
2 Kudai hangu ndaiva nenzvimbo inogarwa nevafambi murenje!
Ndaizosiya vanhu vangu, ndoenda zvangu,Nekuti vese zvavo imhombwe,+Chikwata chevanyengeri.
3 Vanokunga rurimi rwavo seuta;Nhema ndidzo dzakazara munyika yacho, kwete kutendeka.+
“Vanobva pane zvakaipa vachienda pane zvakaipa,Uye havanditeereri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
4 “Munhu wese ngaachenjerere muvakidzani wake,Uye musavimba kunyange nehama yenyu.
Nekuti hama yese mutengesi,+Uye muvakidzani wese anosvibisa mazita evamwe.+
5 Mumwe nemumwe anobiridzira muvakidzani wake,Uye hapana anotaura chokwadi.
Vakadzidzisa rurimi rwavo kureva nhema.+
Vanozvinetesa nekuita zvakaipa.
6 Muri kugara pakati pevanyengeri.
Vakaramba kundiziva neunyengeri hwavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
7 Saka zvanzi naJehovha wemauto:
“Ndichavanatsa uye ndichavaedza,+Nekuti chii chimwe chandingaita nemwanasikana wevanhu vangu?
8 Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura zvekunyengera.
Nemuromo wake, munhu anotaura zverugare kumuvakidzani wake,Asi mumwoyo make anenge achihwandira.”
9 “Handingaiti kuti vazvidavirire pazvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Ndingarega* kutsiva rudzi rwakadai here?+
10 Ndichachema makomo uye ndichaungudzaUye ndichaimba rwiyo rwekushungurudzika pamusoro pemafuro* erenje,Nekuti akapiswa zvekuti hapana munhu anopfuura namo,Uye kuchema kwezvipfuwo hakusi kunzwika.
Shiri dzedenga nemhuka zvatiza; zvaenda.+
11 Ndichaita kuti Jerusarema rive mirwi yematombo,+ nzvimbo inogara hunguhwe,*+Uye ndichaita kuti maguta eJudha ave matongo, asina anogaramo.+
12 Ndiani akachenjera zvekuti anokwanisa kunzwisisa zvinhu izvi?
Muromo waJehovha wataura naani kuti audzewo vamwe?
Nei nyika yaparara?
Nei yabvuraudzwa serenje,Zvekuti hapana ari kupfuura namo?”
13 Jehovha akapindura achiti: “Nekuti vakaramba mutemo* wangu wandakadzika pamberi pavo, uye nekuti havana kuutevera, vachirega kuteerera inzwi rangu.
14 Asi vakaomesa misoro vakatevera mwoyo yavo,+ uye vakatevera mifananidzo yaBhaari, sezvavakanga vadzidziswa nemadzibaba avo kuti vaite.+
15 Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuita kuti vanhu ava vadye kamuti kanovava, uye ndichavanwisa mvura ine muchetura.+
16 Ndichaita kuti vapararire pakati pemarudzi avasina kuziva, ivo kana madzibaba avo,+ uye ndichatuma bakatwa kuti rivatevere kusvikira ndavaparadza.’+
17 Zvanzi naJehovha wemauto,‘Ratidzai kuti munonzwisisa.
Shevedzai vakadzi vanoimba nziyo dzekushungurudzika,*+Uye daidzai vakadzi vane unyanzvi kuti vauye,
18 Kuti vakurumidze kuuya kuzotichema,Kuti maziso edu ayerere misodziUye maziso edu achururuke mvura.+
19 Nekuti inzwi rekuchema ranzwika muZiyoni richiti:+
“Chokwadi taparadzwa!
Tiri kunyara zvisingaiti!
Nekuti tasiya nyika yacho, uye vapwanya misha yedu.”+
20 Inzwai shoko raJehovha, imi vakadzi.
Nzeve dzenyu ngadziteerere shoko remuromo wake.
Dzidzisai vanasikana venyu rwiyo urwu rwekuchema,Uye dzidzisanai rwiyo urwu rwekushungurudzika.+
21 Nekuti rufu rwauya nepamahwindo edu;Rwapinda mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimbaKuti rubvise vana mumigwagwaUye majaya mumisika.’+
22 Iti, ‘Zvanzi naJehovha:
“Zvitunha zvevanhu zvichawira pasi semupfudze mumunda,Semutsetse wezvirimwa zvichangobva kuchekwa nemukohwi,Pasina anozviunganidza.”’”+
23 Zvanzi naJehovha:
“Munhu akachenjera ngaarege kuzvirumbidza neuchenjeri hwake;+Munhu ane simba ngaarege kuzvirumbidza nesimba rake;Uye mupfumi ngaarege kuzvirumbidza neupfumi hwake.”+
24 “Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze neizvi:
Kuti anonzwisisa nezvangu uye ane ruzivo pamusoro pangu,+Kuti ndini Jehovha, iye anoratidza rudo rusingachinji, anotonga zvakanaka uye anoita zvakarurama panyika,+Nekuti ndinofarira zvinhu izvi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
25 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti munhu wese akachecheudzwa asi asina kuchecheudzwa azvidavirire,+
26 pamwe chete neIjipiti+ neJudha+ neEdhomu+ nevaAmoni+ neMoabhi+ nevanhu vese vane bvudzi repamberi penzeve rakadimburirwa vari kugara murenje;+ nekuti marudzi ese haana kuchecheudzwa, uye imba yese yaIsraeri ine mwoyo isina kuchecheudzwa.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Mweya wangu ungarega.”
^ Kana kuti “rwekuchema mafuro.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kana kuti “dzekuchema.”