Jeremiya 6:1-30
6 Hwandai kure neJerusarema haiwa vanakomana vaBhenjamini.
Ridzai hwamanda+ muTekoa;+Batidzai moto wechiratidzo pamusoro peBheti-hakeremu!
Nekuti dambudziko rava kutosvika richibva kuchamhembe, dambudziko rakakura.+
2 Mwanasikana weZiyoni akafanana nemukadzi ane runako, akagarika.+
3 Vafudzi vachauya nezvipfuwo zvavo.
Vachadzika matende avo vakamupoteredza,+Mumwe nemumwe achifudza makwai ake.+
4 “Gadzirirai kumurwisa!
Simukai timurwise ari masikati!”
“Tine nhamo, nekuti kwava kuda kuvira,Nekuti mimvuri yemanheru iri kuramba ichireba!”
5 “Simukai tirwise usikuTiparadze shongwe dzake dzakavakwa zvakasimba.”+
6 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto:
“Temai miti muunganidze murwi wekukomba Jerusarema.+
Iguta rinofanira kuzvidavirira;Rizere neudzvinyiriri chete.+
7 Rakachengeta zvakaipa zvaro zvichitonhorera,Sezvinoita mugodhi unochengeta mvura yawo ichitonhorera.
Mariri munonzwika mhirizhonga nekuparadza;+Urwere nedambudziko zvinogara zviri pamberi pangu.
8 Bvuma kuyambirwa, haiwa iwe Jerusarema kuti ndisakusiya ndasemeswa* newe;+Ndichakuita dongo, nyika isingagarwi nevanhu.”+
9 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Vachanyatsounganidza vaIsraeri vakasara semazambiringa ekupedzisira pamuzambiringa.
Pfuudza ruoko rwako zvakare semunhu ari kutanha mazambiringa pamizambiringa.”
10 “Ndichataura naani ndimuyambire?
Ndiani achateerera?
Onai! Nzeve dzavo dzakavhara* zvekuti havakwanisi kuteerera.+
Onai! Kwavari shoko raJehovha rava chinhu chavanoshora;+Havarifariri.
11 Saka ndazara nekutsamwa kwaJehovha,Uye ndaneta nekuzvidzora.”+
“Dururira kutsamwa kwacho pamwana ari mumugwagwa,+Pamapoka emajaya akaungana.
Vese vachatapwa, murume pamwe chete nemudzimai wake,Varume vakwegura pamwe chete nevaya vakwegura zvakanyanya.*+
12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe vanhu,Pamwe chete neminda yavo nemadzimai avo.+
Nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pavagari vemunyika yacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
13 “Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+
14 Vanoedza kurapa ronda revanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,‘Kune runyararo! Kune runyararo!’
Iko kusina runyararo.+
15 Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita?
Havatombonyari!
Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+
Saka vachawa pakati pevaya vakawa.
Vachagumburwa pandichavaranga,” anodaro Jehovha.
16 Zvanzi naJehovha:
“Mirai pamharadzano dzemugwagwa muone.
Bvunzai nezvemigwagwa yekare kare,Bvunzai kunowanika nzira yakanaka mufambe mairi,+Muwane* zororo.”
Asi ivo vanoti: “Hatisi kuzofamba mairi.”+
17 “Ndakagadza varindi+ avo vakati,‘Teererai kurira kwehwamanda!’”+
Asi ivo vakati: “Hatisi kuzoteerera.”+
18 “Saka inzwai, haiwa imi marudzi!
Uye ziva zvichaitika kwavari,Haiwa iwe ungano.
19 Teerera, haiwa iwe nyika!
Ndiri kuunza dambudziko pavanhu ava+Nemhaka yezvirongwa zvavo,Nekuti havana kuteerera mashoko anguUye vakaramba mutemo* wangu.”
20 “Ndine basa nazvo here kuti munouya nezvinonhuhwirira zvichena kubva kuShebhaNetsanga dzinonhuhwirira kubva kunyika iri kure?
Mipiro yenyu inopiswa handiigamuchiri,Uye zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”+
21 Saka zvanzi naJehovha:
“Ndiri kuisira vanhu ava zvipinganidzo,Uye vachagumburwa nazvo,Vanababa nevanakomana pamwe chete,Muvakidzani neshamwari yake,Uye vese vachaparara.”+
22 Zvanzi naJehovha:
“Onai! Kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yekuchamhembe,Uye pachamutswa rudzi rukuru runobva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
23 Vachabata uta nepfumo diki.
Vane utsinye uye havazovi netsitsi.
Inzwi ravo richatinhira segungwa,Uye vakatasva mabhiza.+
Vanoronga uto ravo semurume wehondo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.”
24 Tanzwa mashoko pamusoro parwo.
Maoko edu ati regwede;+Tabatwa nekunetseka,Iwo marwadzo akaita seemukadzi ari kusununguka.+
25 Musabuda muchienda musango,Uye musafamba mumugwagwa,Nekuti muvengi ane bakatwa;Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru.
26 Haiwa iwe mwanasikana wevanhu vangu,Pfeka masaga+ uumburuke mumadota.
Chema uchirwadziwa chaizvo semunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,+Nekuti muparadzi achangoerekana auya kwatiri.+
27 “Ndakakuita* munhu anoedza simbi pakati pevanhu vangu,Munhu anonyatsotsvaga;Unofanira kucherechedza uye kuongorora nzira yavo.
28 Vese zvavo varume vakaoma musoro zvisingaiti,+Vanofamba vachisvibisa mazita evamwe.+
Vakaita semhangura nesimbi;Vese zvavo vakaipa.
29 Mvuto* dzabvuraudzwa.
Mumoto wadzo munobuda mutobvu.
Anoramba achivanatsa mumoto asi haabudiriri,+Uye vaya vakaipa havana kubviswa pavanhu.+
30 Chokwadi vanhu vachavashevedza kuti sirivha yakarambwa,Nekuti Jehovha avaramba.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya wangu usakusiya wasemeswa.”
^ ChiHeb., “Nzeve yavo haina kuchecheudzwa.”
^ ChiHeb., “nevaya vazere nemazuva.”
^ Kana kuti “Mweya yenyu iwane.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kureva, Jeremiya.
^ Uyu mudziyo unoshandiswa kufuridza moto kuti upfute zvine simba.