Jeremiya 20:1-18

  • Pashuri anorova Jeremiya (1-6)

  • Jeremiya anotadza kuramba akanyarara (7-13)

    • Shoko raMwari rakaita semoto unobvira (9)

    • Jehovha akaita semurwi anotyisa (11)

  • Kunyunyuta kwaJeremiya (14-18)

20  Pashuri mwanakomana waImeri, mupristi, uyo aivawo mutariri mukuru muimba yaJehovha, aiteerera Jeremiya paaiprofita zvinhu izvi.  Pashuri akabva arova muprofita Jeremiya, akamusunga nezvisungo zvematanda*+ zvaiva paGedhi Rekumusoro raBhenjamini, raiva pedyo neimba yaJehovha.  Asi pazuva rakatevera Pashuri paakabvisa Jeremiya pazvisungo zvacho, Jeremiya akati kwaari: “Jehovha akupa zita, kwete rekuti Pashuri, asi rekuti Chinhu Chinotyisa Kumativi Ese.+  Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Ndichakuita chinhu chinotyisa kwauri nekushamwari dzako dzese, uye vachaurayiwa nebakatwa revavengi vavo maziso ako akatarisa;+ uye ndichaisa vaJudha vese muruoko rwamambo weBhabhironi, uyo achavatapa ovaendesa kuBhabhironi, ovauraya nebakatwa.+  Uye ndichaisa pfuma yese yeguta rino, upfumi hwaro hwese, zvinhu zvaro zvese zvinokosha, uye pfuma yese yemadzimambo eJudha mumaoko evavengi vavo.+ Vachazvipamba, vozvitora, voenda nazvo kuBhabhironi.+  Asi iwe Pashuri, nevanhu vese vanogara mumba mako, muchatapwa. Uchaenda kuBhabhironi wonofira ikoko, uye uchavigwa ikoko pamwe chete neshamwari dzako dzese, nekuti wakaprofita nhema kwavari.’”+   Makandinyengedza, haiwa Jehovha, iniwo ndikabvuma kunyengedzwa. Makashandisa simba renyu kundirwisa mukabudirira.+ Ndava chiseko zuva rese;Munhu wese ari kundiseka.+   Nekuti pese pandinotaura, ndinofanira kushevedzera uye kuzivisa kuti,“Mhirizhonga nekuparadzwa!” Shoko raJehovha riri kuita kuti nditukwe uye ndinyombwe zuva rese.+   Saka ndakati: “Handisi kuzotaura nezvake,Uye handisi kuzotaurazve muzita rake.”+ Asi mumwoyo mangu shoko rake rakava semoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu,Ndakaneta nekuramba ndakanyarara;Ndakanga ndisisakwanisi kutsungirira.+ 10  Nekuti ndakanzwa makuhwa akawanda akaipa;Kumativi angu ese kwaiva nezvinotyisa.+ “Mutsoropodzei; ngatimutsoropodzei!” Munhu wese aindishuvira rugare aitarisira kuti zvindiipire achiti:+ “Zvichida achaita zveupenzi,Tobva tamukunda, tomutsiva.” 11  Asi Jehovha aiva neni akaita semurwi anotyisa.+ Ndokusaka vaya vari kunditambudza vachizogumburwa uye vasingazobudiriri.+ Vachanyadziswa kwazvo, nekuti havasi kuzobudirira. Kunyadziswa kwavo nekusingaperi hakuzokanganwiki.+ 12  Asi imi, haiwa Jehovha wemauto, muri kuongorora munhu akarurama;Munoona pfungwa dzakadzama* uye mwoyo.+ Itai kuti ndione muchivatsiva,+Nekuti ndakaisa nyaya yangu kwamuri.+ 13  Imbirai Jehovha! Rumbidzai Jehovha! Nekuti akanunura murombo* paruoko rwevanoita zvakaipa. 14  Zuva randakaberekwa ngaritukwe! Zuva randakaberekwa naamai vangu ngarirege kukomborerwa!+ 15  Ngaatukwe munhu akaunzira baba vangu mashoko akanaka, achiti: “Maberekerwa mwanakomana, mwana mukomana!” Achiita kuti ivo vafare chaizvo. 16  Munhu iyeye ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi. Ngaanzwe kushevedzera mangwanani uye kurira kwechiratidzo chekunyevera masikati. 17  Nei asina kundiuraya ndichiri muchibereko,Kuti amai vangu vave guva ranguUye chibereko chavo choramba chiine mwana?+ 18  Nei ndakabuda muchiberekoKuti ndione nhamo uye kushungurudzwa,Kuti mazuva angu agume nekunyadziswa?+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “itsvo.”
Kana kuti “mweya wemurombo.”