Isaya 41:1-29
41 “Nditeererei makanyarara,* imi zvitsuwa;Marudzi ngaawanezve simba rawo.
Ngaaswedere pedyo; uye ngaataure.+
Ngatiunganei kuzotongwa.
2 Ndiani aita kuti pave nemumwe munhu anobva kumabvazuva?+
Achimushevedza mukururama kuti auye patsoka dzake,*Kuti aise marudzi mumaoko akeUye kuti amuite kuti akunde madzimambo?+
Ndiani anoaita kuti asare ava guruva pamberi pebakatwa rake,Semashanga ari kupeperetswa nemhepo, pamberi peuta hwake?
3 Anoatevera achipfuura pasina chinomuvhiringidza,Achifamba nemumakwara asina kumbofambwa netsoka dzake.
4 Ndiani abata basa iri, achiita izvi,Achishevedza zvizvarwa kubvira pakutanga?
Ini Jehovha, ndini Wekutanga;+Uye kuzvizvarwa zvekupedzisira ndinongova iye mumwe chete.”+
5 Zvitsuwa zvakazviona zvikatya.
Migumo yenyika yakatanga kudedera.
Inoswedera pedyo youya pamberi.
6 Mumwe nemumwe anobatsira shamwari yake,Oti kuhama yake: “Simba.”
7 Saka mhizha inosimbisa mupfuri wesimbi;+Munhu anorova nesando achiita kuti zvienzaneAnosimbisa uya anopfura achishandisa pekupfurira.
Anoti nezvekubatanidza simbi: “Dzaitwa zvakanaka.”
Mufananidzo wacho unobva wabatanidzwa nezvipikiri kuti urege kudonha.
8 “Asi iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu,+Iwe Jakobho wandakasarudza,+Vana* veshamwari yangu Abrahamu,+
9 Iwe wandakatora kumigumo yenyika,+Uye iwe wandakashevedza kubva kumativi ayo ari kure chaizvo.
Ndakati kwauri, ‘Uri mushumiri wangu;+Ndakusarudza; handina kukuramba.+
10 Usatya, nekuti ndinewe.+
Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.+
Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira,+Chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.’
11 Inzwa! Vaya vese vari kukutsamwira chaizvo vachanyadziswa voninipiswa.+
Vaya vanorwa newe vachasara vasiri chinhu uye vachaparara.+
12 Uchatsvaga varume vari kurwa newe, asi hauzovawani;Varume vari kukurwisa vachaita sevasipo, sechinhu chisingabatsiri.+
13 Nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi,Uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’+
14 Usatya Jakobho, iwe honye,*+Imi varume veIsraeri, ini ndichakubatsirai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri.
15 “Inzwa! Ndakuita chirei chekupurisa,+Mudziyo wekupurisa mutsva une mazino anocheka nekwese.
Uchatsika-tsika makomo woaputsaWoita kuti zvikomo zviite sehundi.
16 Uchazviurutsa,Uye mhepo ichazvitakura;Dutu richazviparadzira.
Uchafara muna Jehovha,+Uye uchazvirumbidza pamusoro peMutsvene waIsraeri.”+
17 “Varombo nevanoshayiwa vari kutsvaga mvura, asi vari kuishaya.
Rurimi rwavo rwakaoma nenyota.+
Ini Jehovha ndichavapindura.+
Ini Mwari waIsraeri, handizovasiyi.+
18 Ndichaita kuti nzizi dziyerere muzvikomo zvisina chinhu+Nezvitubu mumapani.+
Ndichaita kuti renje rive dziva remvura rine tsanga zhinjiUye kuti nyika isina mvura ive zvitubu zvemvura.+
19 Mugwenga ndichadyara musidhari,Mubayamhondoro nemukute nemuti wemupaini.+
Murenje ndichadyara mujunipa,Pamwe chete nemufiri nemusaipresi,+
20 Kuti vanhu vese vaone uye vazive,Vateerere uye vanzwisise,Kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi,Uye kuti iye Mutsvene waIsraeri azviunza.”+
21 “Taurai nyaya yenyu,” anodaro Jehovha.
“Ipai uchapupu hwenyu,” anodaro Mambo waJakobho.
22 “Ipai uchapupu uye tiudzei zvinhu zvichaitika.
Tiudzei zvinhu zvekare,*Kuti tifunge nezvazvo,* toziva kuti zvichaguma nei.
Kana kuti tizivisei zvinhu zviri kuuya.+
23 Tiudzei zvichaitika mune ramangwana,Kuti tizive kuti muri vanamwari.+
Itai chimwe chinhu, chakanaka kana kuti chakaipa,Kuti tishamiswe patinochiona.+
24 Inzwai! Muri chinhu chisipo,Uye zvamakaita hazvibatsiri.+
Chero anokusarudzai anosemesa.+
25 Ndaita kuti pave neanobva kuchamhembe, uye achauya,+Iye anobva kumabvazuva,+ uyo achadana zita rangu.
Achatsika-tsika vatongi* sekunge kuti ivhu,+Semuumbi anotsika-tsika ivhu nyoro.
26 Ndiani akataura pamusoro peizvi kubvira pakutanga, kuti tizive,Kana kuti kubvira panguva yakapfuura, kuti titi, ‘Iye akarurama’?+
Chokwadi hapana akazvizivisa!
Hapana akazvitaura!
Hapana ane chaakanzwa kwamuri!”+
27 Ndini ndakatanga kuti kuZiyoni: “Tarisai muone! Hezvino zvichaitika!”+
Uye ndichatumira munhu anoenda nemashoko akanaka kuJerusarema.+
28 Asi ndakaramba ndakatarisa, uye pakanga pasina munhu;Pakati pavo pakanga pasina anopa mazano.
Uye ndakaramba ndichivaudza kuti vapindure.
29 Onai! Vese chinhu chisipo.
Mabasa avo haabatsiri.
Mifananidzo yavo yesimbi* imhepo uye haisi yechokwadi.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Rambai makanyarara pamberi pangu.”
^ Kureva kuti auye kuzomushumira.
^ ChiHeb., “Mbeu.”
^ Kureva kuti asingagoni kuzvidzivirira uye akaderera.
^ ChiHeb., “zvekutanga.”
^ Kana kuti “tiise mwoyo yedu pazviri.”
^ Kana kuti “vatevedzeri vevatongi.”
^ Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”