Ezekieri 6:1-14
6 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumakomo eIsraeri uprofite pamusoro pawo.
3 Unofanira kuti, ‘Haiwa imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha: Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo, kuzvikomo, kuhova, nekumapani: “Inzwai! Ndichaunza bakatwa rekukurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
4 Atari dzenyu dzichaparadzwa, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa,+ uye ndichakanda vanhu venyu vanenge vaurayiwa pamberi pezvidhori zvenyu zvinosemesa.*+
5 Ndichakanda zvitunha zvevanhu veIsraeri pamberi pezvidhori zvavo zvinosemesa, uye ndichaparadzira mapfupa enyu kumativi ese eatari dzenyu.+
6 Kwese kwamunogara, maguta achaparadzwa,+ uye nzvimbo dzakakwirira dzichaputswa, dzova matongo.+ Atari dzenyu dzichaparadzwa uye dzichaputswa, zvidhori zvenyu zvinosemesa zvichaparara, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa uye zvamakagadzira zvichatsvairwa.
7 Uye vanhu vanenge vaurayiwa vachati rabada pakati penyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+
8 “‘“Asi ndichasiya vamwe, nekuti vamwe venyu vachapukunyuka bakatwa pakati pemarudzi, pamuchange mapararira nenyika.+
9 Uye vaya vanopukunyuka vachandiyeuka vari pakati pemarudzi anenge avatapa.+ Vachaziva kuti ndakarwadziswa nemwoyo yavo isina kutendeka,* iyo yakatsauka ichindisiya+ uye nemaziso avo ane ruchiva anotevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+ Vachanyara uye vachasemeswa nezvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavakaita.+
10 Vachaziva kuti ndini Jehovha uye kuti mashoko angu ekuti ndichaunza dambudziko akanga asiri ekunyepa.”’+
11 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ombera, ubinhe pasi netsoka yako, ucheme nekuda kwezvinhu zvese zvakaipa uye zvinosemesa zvakaitwa neimba yaIsraeri, nekuti vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.+
12 Munhu ari kure achafa nedenda, munhu ari pedyo achaurayiwa nebakatwa, uye munhu wese achapona pazvinhu izvi, osara ari mupenyu, achafa nenzara. Ndichanyatsoratidza hasha dzangu pavari.+
13 Uye muchaziva kuti ndini Jehovha,+ kana vanourayiwa vavo vati rabada pakati pezvidhori zvavo zvinosemesa, kumativi ese eatari dzavo,+ pamusoro pezvikomo zvese zvakakwirira, pamusoro pemakomo ese, nepasi pemiti yese yakasvibirira, nepasi pemapazi emiti mikuru yese pavakapira zvinonhuhwirira kuti vafadze zvidhori zvavo zvese zvinosemesa.+
14 Ndichavatambanudzira ruoko rwangu, ndoita kuti nyika yacho ive dongo, uye nzvimbo dzavo dzese dzavanogara dzichasara dzisina chinhu kupfuura renje riri pedyo neDhibra. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
Mashoko Emuzasi
^ Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge rakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
^ Kana kuti “inoda unzenza; inoda upfambi.”