Eksodho 39:1-43

  • Kugadzira nguo dzemupristi (1)

  • Efodhi (2-7)

  • Homwe yepachipfuva (8-21)

  • Nguo isina maoko (22-26)

  • Dzimwe nguo dzevapristi (27-29)

  • Karata kanopenya kegoridhe (30, 31)

  • Mozisi anoongorora tebhenekeri (32-43)

39  Vachishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* neshinda tsvuku,+ vakagadzira nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene. Vakagadzirira Aroni+ nguo tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.  Akagadzira efodhi+ achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.  Vakashandisa sando kupfura goridhe kuti rive tumarata tutetetete, uye iye akaacheka kuva tutambo twekurukirira pamwe chete neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka, uye twakashandiswa pakumenda.  Vakaigadzirira zvidimbu zvemachira zvepamapfudzi zvaibatanidzwa kumicheto yayo miviri nechekumusoro.  Uye bhandi rakarukwa, rakasonererwa paefodhi, rekuisunga kuti ibate,+ rakagadzirwa nezvinhu zvimwe chetezvo zvakagadziriswa efodhi yacho zvinoti: goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.  Vakabva vaisa matombo eonikisi muzvibatiso zvegoridhe, ndokunyora paari mazita evanakomana vaIsraeri vachiita zvekutemera, sezvinoitwa panotemerwa mashoko pachidhindo.*+  Akaaisa pazvidimbu zvemachira eefodhi epamapfudzi, kuti ave matombo ekuyeuchidza vanakomana vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.  Akabva agadzira homwe yepachipfuva+ yakaita zvekumendwa, semagadzirirwo akaitwa efodhi, achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+  Yaiva nemativi mana akaenzana kana yapetwa. Vakagadzira homwe yepachipfuva yaiti kana yapetwa yakanga yakareba uye yakafara sipani* imwe chete. 10  Vakaisa pairi mitsara mina yematombo. Mutsara wekutanga waiva nerubhi, topazi, neemaradhi. 11  Mutsara wechipiri waiva netekoizi, safaya, nejaspa. 12  Mutsara wechitatu waiva nereshemu,* agati, neametesti. 13  Uye mutsara wechina waiva nekrisoriti, onikisi, nejedhi. Akanga akaiswa mutumafuremu twegoridhe. 14  Matombo acho aienderana nemazita evanakomana 12 vaIsraeri, uye mazita acho akanga akanyorwa achiita zvekutemerwa sezvinoitwa panonyorwa mashoko pachidhindo, zita rimwe nerimwe richimiririra rimwe remadzinza acho 12. 15  Vakabva vagadzira cheni dzakamonwa pahomwe yepachipfuva, dzakaita setambo dzegoridhe rakanatswa.+ 16  Uye vakagadzira zvibatiso zviviri zvegoridhe nemarin’i maviri egoridhe uye vakaisa marin’i acho maviri kumakona kwehomwe yepachipfuva. 17  Pashure paizvozvo vakapinza tambo dzacho mbiri dzegoridhe nemumarin’i maviri aiva kumicheto yehomwe yepachipfuva. 18  Vakabva vapinza miromo miviri yetambo dzacho mbiri nemuzvibatiso zviviri, ndokuita kuti zvibate machira epamapfudzi eefodhi, nechekumberi. 19  Vakazogadzira marin’i maviri egoridhe, ndokuaisa kumicheto miviri iri nechemukati mehomwe yacho kwakagumha efodhi.+ 20  Vakabva vagadzira mamwe marin’i maviri egoridhe pamberi peefodhi, pazasi pemachira maviri epamapfudzi, pedyo nepaanobatana nayo, pamusoro pebhandi rakarukwa reefodhi. 21  Vakazopedzisira nekusunga homwe yepachipfuva netambo yebhuruu ichibva pamarin’i ayo ichipinda mumarin’i eefodhi, kuti homwe yepachipfuva igare iri panzvimbo payo paefodhi, pamusoro pebhandi rakarukwa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 22  Akabva agadzira nguo isina maoko yekupfeka pasi peefodhi, yakarukwa nemugadziri wemachira neshinda yebhuruu chete.+ 23  Yakanga iine pakavhurika nechepakati payo sezvakaita penguo yemurwi yesimbi. Pakavhurika pacho pakanga paine mupendero unopatenderedza, kuti pasabvaruka. 24  Vakazoisa pamupendero wenguo yacho isina maoko mapomegraneti* akagadzirwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, neshinda tsvuku, zvakakoswa pamwe chete. 25  Uye vakagadzira mabhero egoridhe rakanatswa ndokuaisa pakati pemapomegraneti achitenderera mupendero wacho wese wenguo isina maoko, pakati pemapomegraneti; 26  aitevedzana achiti apa bhero regoridhe apa pomegraneti, apa bhero regoridhe apa pomegraneti, achitenderera mupendero wese wenguo yacho isina maoko, yaishandiswa pakushumira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 27  Uye vakagadzirira Aroni nevanakomana vake nguo refu yejira rakanaka rakarukwa nemunhu anogadzira machira,+ 28  nengowani+ yejira rakanaka, machira ekushongedza musoro,+ zvikabudura* zvejira+ rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, 29  nebhandi rejira rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, uye shinda tsvuku, zvakarukwa pamwe chete, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 30  Vakazopedzisira nekugadzira karata kanopenya, karata katsvene kegoridhe,* ndokukanyora vachiita zvekutemera sezvinoitwa pachidhindo, mashoko ekuti: “Utsvene ndehwaJehovha.”+ 31  Vakakasungirira tambo yakagadzirwa neshinda yebhuruu kuti vakaise pangowani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 32  Saka basa rese retebhenekeri, iro tende rekusanganira, rakapera, uye vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ Vakaita izvozvo chaizvo. 33  Vakabva vauya netebhenekeri+ kuna Mozisi, tende+ nemidziyo yaro yese: zvekukochekera nazvo zvayo,+ mafuremu ayo,+ mbariro dzayo+ nembiru dzayo nezvigadziko zvayo;+ 34  chekuifukidza chematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku,+ chekuifukidza chematehwe akapfava,* keteni rekuvharisa;+ 35  areka yeChipupuriro nemapango ayo+ nechekuikwidibirisa;+ 36  tafura, midziyo yayo yese+ nechingwa chekuratidza; 37  chigadziko chemarambi chegoridhe rakanatswa, marambi acho+ akarongwa mumutsara, nemidziyo yacho yese+ nemafuta ekuvhenekesa;+ 38  atari+ yegoridhe, mafuta ekuzodza nawo,+ rusenzi inonhuhwirira,+ keteni rekuvharisa+ musuo wetende; 39  atari yemhangura+ nesefa yayo yemhangura, mapango ayo,+ midziyo yayo yese,+ mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika;+ 40  maketeni anorembera echivanze, mbiru dzacho nezvigadziko zvacho,+ keteni rekuvharisa+ musuo wechivanze, tambo dzacho dzetende nehoko dzacho+ nemidziyo yese yebasa repatebhenekeri, patende rekusanganira; 41  nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene, nguo tsvene dzemupristi Aroni,+ nenguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi. 42  VaIsraeri vakaita basa rese vachitevedzera zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 43  Mozisi paakaongorora basa rese ravakanga vaita, akaona kuti vakanga vaita zvakanga zvarayirwa naJehovha chaizvo; uye Mozisi akavakomborera.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “pachisimbiso.”
Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dombo iri rinokosha harizivikanwi kuti rakanga rakaita sei.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “zvipfeko zvemukati.”
Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”
Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.