Dhanieri 12:1-13
12 “Nguva iyoyo Mikaeri*+ muchinda mukuru,+ uyo ari kumira achirwira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yekutambudzika isina kumbovapo kubvira pakatanga kuumbwa rudzi kusvika panguva iyoyo. Uye panguva iyoyo vanhu vako vachapukunyuka,+ ivo vanhu vese vanowanikwa vakanyorwa mubhuku.+
2 Vazhinji vakarara muguruva renyika vachamuka; vamwe vachamuka kuti vararame nekusingaperi uye vamwe vachamuka kuti vashorwe uye vazvidzwe nekusingaperi.
3 “Vaya vane njere vachapenya sechiedza chekudenga; uye vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama vachapenya senyeredzi nariini nariini.
4 “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho, uname bhuku racho kusvika panguva yekuguma.+ Vazhinji vachamhanya-mhanya,* uye ruzivo rwechokwadi ruchawanda.”+
5 Ini Dhanieri ndakabva ndatarisa ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira, mumwe kune mamwe mahombekombe erukova uye mumwe kumahombekombe aiva mhiri kwerukova rwacho.+
6 Mumwe akabva ati kumurume akanga akapfeka nguo yejira+ aiva pamusoro pemvura yerukova rwacho: “Zvichatora nguva yakareba sei kusvika pachapera kuzadziswa kwezvinhu izvi zvinoshamisa?”
7 Ndakabva ndanzwa murume akanga akapfeka nguo yejira, uyo aiva pamusoro pemvura yerukova achipindura. Akasimudza ruoko rwake rwerudyi neruoko rwake rweruboshwe mudenga akapika naiye* anoramba ari mupenyu nekusingaperi+ achiti: “Zvichaita nguva imwe chete yakasarudzwa, nedzimwe nguva dzakasarudzwa, nehafu yenguva.* Pachangopera kuputswa-putswa kwesimba revanhu vatsvene,+ zvinhu izvi zvichabva zvasvikawo pamagumo azvo.”
8 Ini ndakazvinzwa, asi handina kuzvinzwisisa;+ saka ndakati: “Nhai ishe wangu, zvinhu izvi zvichaguma nei?”
9 Akabva ati: “Enda, Dhanieri, nekuti mashoko acho anofanira kuvanzwa uye kunamwa kusvika panguva yekuguma.+
10 Vazhinji vachazvigeza vozvichenesa uye vachanatswa.+ Vakaipa vachaita zvakaipa, uye hapana kana vakaipa vachanzwisisa; asi vaya vane njere vachanzwisisa.+
11 “Kubvira panguva inenge yabviswa chibayiro chinogara chichipiwa+ uye panenge paiswa chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese,+ pachava nemazuva 1 290.
12 “Anofara ndiye anoramba akamirira* uye anosvika pamazuva 1 335!
13 “Asi iwe ramba wakasimba kusvika pamagumo. Uchazorora, asi uchamukira mugove wako* pachapera mazuva acho.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”
^ Kana kuti “vachanyatsoriongorora [kureva bhuku racho.]”
^ Kureva, nguva nhatu nehafu.
^ Kureva, Mwari.
^ Kana kuti “anomirira nemwoyo wese.”
^ Kana kuti “uchamuka munzvimbo yako yauchapiwa.”