Dhanieri 10:1-21
10 Mugore rechitatu raMambo Koreshi+ wePezhiya pane zvinhu zvakaratidzwa Dhanieri, uyo aishevedzwa kuti Bheteshazari.+ Mashoko acho aiva echokwadi, uye akanga ari ekurwisana kukuru. Akanzwisisa mashoko acho, uye akabatsirwa kunzwisisa zvinhu zvaakanga aona.
2 Mazuva iwayo, ini Dhanieri ndakanga ndava nemavhiki matatu azere ndichichema.+
3 Handina kudya zvekudya zvakanaka, uye hapana nyama kana waini yakapinda mukanwa mangu, uye handina kuzora mafuta kwemavhiki matatu azere.
4 Pazuva rechi24 remwedzi wekutanga, pandaiva pamahombekombe erwizi rukuru runonzi Tigirisi,*+
5 ndakatarisa ndikaona mumwe murume akanga akapfeka nguo yejira,+ akasunga bhandi regoridhe rekuUfazi muchiuno.
6 Muviri wake wakanga wakaita sedombo rekrisoriti,+ uye chiso chake chakanga chakaita semheni, maziso ake akanga akaita semwenje iri kubvira, maoko ake netsoka dzake zvaiita semhangura yakapenyeswa,+ uye inzwi rake raiita semanzwi evanhu vazhinji.
7 Ini Dhanieri ndini chete ndakaona chiratidzo chacho; varume vandaiva navo havana kuchiona.+ Zvisinei, vakatya kwazvo, vakatiza vakanohwanda.
8 Ndakabva ndasara ndiri ndega, uye pandakaona chiratidzo ichi chikuru, ndakapera simba, chiso changu chikachinja, uye ndakasara ndati rukutu.+
9 Ndakatanga kunzwa achitaura; asi pandakanzwa achitaura, ndakabatwa nehope huru, chiso changu chakatarisa pasi.+
10 Asi pane ruoko rwakabva rwandibata,+ rukandizunguza kuti ndimuke. Ndakabva ndapfugama ndakabatirira pasi.
11 Akabva ati kwandiri:
“Dhanieri, iwe murume anokosha* chaizvo,+ teerera mashoko andava kuda kukuudza. Saka simuka, nekuti ndatumwa kwauri.”
Paakataura izvozvo, ndakasimuka ndichidedera.
12 Akabva ati kwandiri: “Usatya hako+ Dhanieri. Mashoko ako akanzwiwa kubvira pazuva rekutanga rawakazvipira kuti unzwisise uye kuti uzvininipise pamberi paMwari wako, uye mashoko ako ndiwo aita kuti ndiuye.+
13 Asi muchinda+ weumambo hwePezhiya akandirwisa kwemazuva 21. Zvisinei, Mikaeri,*+ mumwe wemachinda makuru,* akauya kuzondibatsira; uye ndakaramba ndiri ikoko nemadzimambo ePezhiya.
14 Ndauya kuzoita kuti unzwisise zvichaitika kuvanhu vekwako mumazuva ekupedzisira,+ nekuti chiratidzo chacho ndechemazuva ari mberi.”+
15 Paakandiudza mashoko iwayo, ndakatarisa pasi ndikatadza kutaura.
16 Mumwe akanga akaita semunhu akabva abata muromo wangu,+ ndikashama muromo wangu ndikati kune uya akanga amire pamberi pangu: “Ishe wangu, chiratidzo chandaona chiri kundidederesa, uye handina simba.+
17 Saka ini muranda wenyu ndingataura sei nemi ishe wangu?+ Nekuti iye zvino handina simba uye handisisina mweya wekufema.”+
18 Uya akanga akaita semunhu akandibatazve, akandisimbisa.+
19 Akabva ati: “Usatya+ iwe murume anokosha* chaizvo.+ Iva nerugare.+ Iva nesimba; simba.” Paaitaura neni ndakava nesimba ndichibva ndati: “Taurai ishe wangu, nekuti mandisimbisa.”
20 Akabva ati: “Unoziva here kuti ndauyirei kwauri? Iye zvino ndichadzokera kunorwa nemuchinda wePezhiya.+ Pandichaenda, muchinda wekuGirisi achauyawo.
21 Zvisinei, ndichakuudza zvinhu zviri muzvinyorwa zvechokwadi. Hapana mumwe anonditsigira zvakasimba pazvinhu izvi kunze kwaMikaeri,+ muchinda wenyu.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Hidhekeri.”
^ Kana kuti “anodiwa; anoremekedzwa.”
^ Kana kuti “muchinda ane chinzvimbo chepamusoro.”
^ Kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”
^ Kana kuti “anodiwa; anoremekedzwa.”