Amosi 4:1-13
4 “Inzwai shoko iri imi mhou dzekuBhashaniDziri mugomo reSamariya,+Imi vakadzi vari kubiridzira vanhu vakaderera,+ muchidzvinyirira varombo,Imi muri kuti kuvarume* venyu, ‘Tiunzirei zvekunwa!’
2 Changamire Ishe Jehovha apika neutsvene hwake achiti,‘“Inzwai! Mazuva achasvika aachakusimudzai nezvinoshandiswa kukochekera nyama nemunhu anouraya mhukaUye vanenge vasara pakati penyu achavasimudza nezvirauro.
3 Muchabuda nemunzvimbo dzakaputsika rusvingo, mumwe nemumwe nepaanenge akatarisana napo;Uye muchakandwa kuHamoni,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’
4 ‘Uyai kuBheteri mutadze,*+Uye uyai kuGirigari mutowedzera kuita zvivi zvenyu!+
Uyai nezvibayiro zvenyu+ mangwanani,Nezvegumi zvenyu+ pazuva rechitatu.
5 Pisai chibayiro chekuonga chezvingwa zvine mbiriso;+Shevedzerai muchizivisa nezvemipiro yenyu yekungopawo muchizvidira!
Nekuti ndizvo zvamunofarira, imi vanhu veIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
6 ‘Ndakaita kuti mazino enyu achene nekushaya zvekudya mumaguta enyu ese,Uye ndakaita kuti mushayiwe zvekudya mudzimba dzenyu dzese;+Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
7 ‘Ndakaregawo kukunayisirai mvura kwemwedzi mitatu kukohwa kusati kwasvika;+Ndakaita kuti mvura inaye mune rimwe guta asi mune rimwe musina.
Mvura yainaya mune mumwe munda,Asi mumwe waishaya mvura, wobva waoma.
8 Vanhu vemumaguta maviri kana matatu vaidzedzereka vachienda kuguta rimwe chete kuti vanonwa mvura,+Asi vaisawana mvura inovakwanira;Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
9 ‘Ndakaita kuti zvirimwa zvenyu zvitsve uye zviore.+
Makava nemapindu akawanda neminda yemizambiringa yakawanda,Asi mhashu dzaiparadza mionde yenyu nemiorivhi yenyu;+Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
10 ‘Ndakakutumirai denda rakafanana neriya rekuIjipiti.+
Ndakauraya majaya enyu nebakatwa,+ ndikatora mabhiza enyu.+
Ndakaita kuti kunhuhwa kwemisasa yenyu kusvike mumhino dzenyu;+Asi hamuna kudzoka kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
11 ‘Ndakakuparadzai,Sekuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora.+
Uye makaita sedanda ravhomorwa mumoto;Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
12 Saka ndichakuitira zvakafanana naizvozvo, iwe Israeri.
Gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri,Nemhaka yekuti ndichakuitira izvozvo.
13 Nekuti ndiye akaumba makomo+ uye akasika mhepo;+Anoudza munhu pfungwa dzake,Anochinja mambakwedza kuti ave rima,+Uye anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika;+Iye anonzi Jehovha Mwari wemauto.”