Bhuku Rekutanga reMakoronike 20:1-8

  • Guta reRabha rinotorwa (1-3)

  • Mazirume ekuvaFiristiya anourayiwa (4-8)

20  Pakutanga kwegore,* panguva yaienda madzimambo kunorwa, Joabhi+ akatungamirira uto kunorwa uye akaparadza nyika yevaAmoni; akaenda kunokomba Rabha,+ Dhavhidhi akasara ari muJerusarema.+ Joabhi akarwisa Rabha akaiparadza.+  Dhavhidhi akabva abvisa korona yaiva mumusoro maMarikamu,* akaona kuti yairema tarenda* rimwe chete regoridhe, uye yaiva nematombo anokosha. Korona yacho yakaiswa mumusoro maDhavhidhi. Akapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo muguta racho.+  Akabudisa vanhu vaiva mariri, akaita kuti vaite basa+ rekucheka matombo nerimwe basa ravaiita nemidziyo yesimbi yakapinza nematemo. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ese evaAmoni. Dhavhidhi akabva azodzokera kuJerusarema nemauto ese.  Pashure peizvi, hondo yakamuka nevaFiristiya kuGezeri. Panguva iyoyo, Sibhekai+ muHusha akauraya Sipai wekuvaRefaimu,+ uye vakakundwa.  Hondo yakamukazve nevaFiristiya, uye Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami, hama yemuGati ainzi Goriyati.+ Pfumo raRami raiva nemubato wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira.+  Hondo yakatangazve kuGati,+ uko kwaiva nerimwe zirume rainge rakanyanyisa kukura,+ raiva nemaoko ane zvigunwe 6 paruoko rumwe nerumwe, nezvigunwe 6 patsoka imwe neimwe, zvese pamwe chete zviri 24; uye nairowo raiva rekuvaRefaimu.+  Rakaramba richishora+ Israeri. Saka Jonatani mwanakomana waShimea,+ mukoma waDhavhidhi, akariuraya.  Ava ndivo vaiva vanhu vekuvaRefaimu+ vekuGati,+ uye vakaurayiwa naDhavhidhi nevanhu vake.

Mashoko Emuzasi

Kureva, mumasutso.
Marikamu chinogona kunge chaiva chidhori chainamatwa nevaAmoni.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.