Bhuku Rekutanga reMakoronike 20:1-8
20 Pakutanga kwegore,* panguva yaienda madzimambo kunorwa, Joabhi+ akatungamirira uto kunorwa uye akaparadza nyika yevaAmoni; akaenda kunokomba Rabha,+ Dhavhidhi akasara ari muJerusarema.+ Joabhi akarwisa Rabha akaiparadza.+
2 Dhavhidhi akabva abvisa korona yaiva mumusoro maMarikamu,* akaona kuti yairema tarenda* rimwe chete regoridhe, uye yaiva nematombo anokosha. Korona yacho yakaiswa mumusoro maDhavhidhi. Akapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo muguta racho.+
3 Akabudisa vanhu vaiva mariri, akaita kuti vaite basa+ rekucheka matombo nerimwe basa ravaiita nemidziyo yesimbi yakapinza nematemo. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ese evaAmoni. Dhavhidhi akabva azodzokera kuJerusarema nemauto ese.
4 Pashure peizvi, hondo yakamuka nevaFiristiya kuGezeri. Panguva iyoyo, Sibhekai+ muHusha akauraya Sipai wekuvaRefaimu,+ uye vakakundwa.
5 Hondo yakamukazve nevaFiristiya, uye Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami, hama yemuGati ainzi Goriyati.+ Pfumo raRami raiva nemubato wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira.+
6 Hondo yakatangazve kuGati,+ uko kwaiva nerimwe zirume rainge rakanyanyisa kukura,+ raiva nemaoko ane zvigunwe 6 paruoko rumwe nerumwe, nezvigunwe 6 patsoka imwe neimwe, zvese pamwe chete zviri 24; uye nairowo raiva rekuvaRefaimu.+
7 Rakaramba richishora+ Israeri. Saka Jonatani mwanakomana waShimea,+ mukoma waDhavhidhi, akariuraya.
8 Ava ndivo vaiva vanhu vekuvaRefaimu+ vekuGati,+ uye vakaurayiwa naDhavhidhi nevanhu vake.
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, mumasutso.
^ Marikamu chinogona kunge chaiva chidhori chainamatwa nevaAmoni.
^ Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.