Jesu Ndiye Achapedza Kuparwa Kwemhosva
Jesu anonzwisisa kutambura kunokonzerwa nekuparwa kwemhosva uye kubatwa zvisina kunaka. Akapomerwa zvenhema, akarohwa, akatongwa zvisiri pamutemo uye akaurayiwa zvinorwadza. Kunyange zvazvo ainge asina mhosva, akapa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mateu 20:28; Johani 15:13) Iye zvino, sezvo ava Mambo weUmambo hwaMwari, munguva pfupi iri kutevera achabvisa kusabatwa zvakanaka kwevanhu panyika, opedza kuparwa kwemhosva zvachose.—Isaya 42:3
Bhaibheri rinotsanangura zvichange zvakaita nyika kana Jesu agadzirisa zvinhu:
“Vakaipa havazovipozve; uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.
Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda zvatakaitirwa naJesu uye zvaachazotiitira mune ramangwana? Imwe nzira ndeyekudzidza ‘nezvemashoko akanaka eUmambo hwaMwari,’ ayo aiparidzwa naJesu. (Ruka 4:43) Verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?”