Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Jehovha Zvibayiro Zvomweya Wose

Kupa Jehovha Zvibayiro Zvomweya Wose

“Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha.”​—VAK. 3:23.

1-3. (a) Kufa kwakaita Jesu padanda kunoreva here kuti Jehovha haachadi chero chibayiro kwatiri? Tsanangura. (b) Mubvunzo upi unovapo panyaya yezvibayiro zvatinopa?

MUZANA remakore rokutanga C.E., Jehovha akazivisa vanhu vake kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu chakanga chabvisa Mutemo waMosesi. (VaK. 2:13, 14) Zvibayiro zvose zvaipiwa nevaJudha kwemazana emakore zvakanga zvisisadiwi uye zvisisakoshi. Mutemo wakanga wapedza basa rawo ‘somuperekedzi kuna Kristu.’—VaG. 3:24.

2 Izvozvo hazvirevi kuti vaKristu havachinei nenyaya yokupa zvibayiro. Muapostora Petro akatotaura kuti, “nokuna Jesu Kristu [tinofanira kupa] zvibayiro zvomudzimu zvinogamuchirika kuna Mwari.” (1 Pet. 2:5) Uyezve, muapostora Pauro akanga ajekesa kuti zvose zvinoitwa muupenyu nomuKristu akazvitsaurira, zvingatonzi “chibayiro.”—VaR. 12:1.

3 Saka muKristu anopa Jehovha zvibayiro, nokumupa zvimwe zvinhu kana kuti nokurega zvimwe zvinhu kuti amushumire. Tichifunga zvaidiwa kuvaIsraeri, tingava sei nechokwadi chokuti zvibayiro zvedu zvose zvinogamuchirwa naJehovha?

MUUPENYU HWEZUVA NEZUVA

4. Tinofanira kuyeukei pane zvose zvatinoita zuva nezuva?

4 Muupenyu hwedu hwezuva nezuva, zvingaita sezvakaoma kuona kubatana kwezvatinoita nokupa Jehovha zvibayiro. Basa repamba, rokuchikoro, basa rokunyika, kutenga nezvimwewo, zvingaita sokuti hazvinei nokunamata. Asi kana wakazvitsaurira kuna Jehovha kana kuti uchitarisira kudaro munguva iri pedyo, zvinokosha kuyeuka kuti zvinhu izvozvo zvakabatana nokunamata. Tiri vaKristu nguva dzose. Tinofanira kushandisa zvinotaurwa neMagwaro pane zvose zvatinoita muupenyu. Ndokusaka Pauro akatikurudzira kuti: “Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha, kwete vanhu.”—Verenga VaKorose 3:18-24.

5, 6. Tinofanira kufungei pamaitiro edu uye mapfekero zvezuva nezuva?

5 Zvinoitwa nomuKristu zuva nezuva hazvisi basa dzvene raanoitira Mwari. Asi, kurudziro yaPauro yokuti tiite zvose ‘nomweya wose sokunge tinoitira Jehovha’ inofanira kuita kuti tifunge zvose zvatinoita muupenyu. Saka tingashandisa sei mashoko aya? Maitiro edu nemapfekero zvinoratidza kuva netsika nguva dzose here? Kana kuti patinenge tichiita mabasa ezuva nezuva, tinganyara here kuudza vamwe kuti tiri Zvapupu zvaJehovha, zvichida nemhaka yemaitiro edu kana kuti mapfekero? Tisambofa takaita izvozvo! Vanhu vaJehovha havangadi kuita chero chinhu chinozvidzisa zita raMwari.—Isa. 43:10; 2 VaK. 6:3, 4, 9.

6 Ngationgororei kuti chido chokuita zvose ‘nomweya wose sokunge tinoitira Jehovha’ chingatibatsira sei pane zvakasiyana-siyana. Patinenge tichidaro, ngatiyeukei kuti zvibayiro zvose zvaipiwa Jehovha nevaIsraeri zvaifanira kuva zvakanakisisa.—Eks. 23:19.

ZVAKABATANA SEI NOUPENYU HWAKO?

7. Kuzvitsaurira somuKristu kunosanganisirei?

7 Pawakasarudza kuzvitsaurira kuna Jehovha, hauna kumupa upenyu hwako hwose here? Wakatomuudza kuti pazvose zvauchaita muupenyu, uchamuisa pokutanga. (Verenga VaHebheru 10:7.) Ichocho chaiva chisarudzo chakanaka. Hapana mubvunzo kuti paunotsvaka zvinoda Jehovha pane imwe nyaya, woedza kuita zvaanotaura, zvinhu zvinokufambira zvakanaka. (Isa. 48:17, 18) Vanhu vaMwari vatsvene uye vanofara nokuti Mwari wavo ndizvo zvaari.—Revh. 11:44; 1 Tim. 1:11.

8. Nei zvichikosha kuyeuka kuti Jehovha aiona zvibayiro zvaipiwa kare sezvitsvene?

8 Zvibayiro zvaipiwa Jehovha nevaIsraeri zvainzi zvitsvene. (Revh. 6:25; 7:1) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “utsvene” rine pfungwa yechinhu chabviswa pane zvimwe kana kuti chatsveneserwa Mwari. Kuti zvibayiro zvedu zvigamuchirwe naJehovha, zvinofanira kuva zvakasiyana uye zvisina kusvibiswa nenyika. Saka hazviiti kuti tide chero chinhu chinovengwa naJehovha. (Verenga 1 Johani 2:15-17.) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kudzivisa ushamwari kana kuti zvinhu zvingaita kuti tinzi naMwari hatina kuchena. (Isa. 2:4; Zvak. 18:4) Zvinorevawo kuti hatigoni kubvumira maziso edu kuramba akatarira zvinhu zvisina kuchena kana kuti zvounzenza kana kurega pfungwa dzedu dzichifungidzira tichizviita.—VaK. 3:5, 6.

9. Nei mabatiro atinoita vamwe achikosha?

9 Pauro akakurudzira hama dzake kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaH. 13:16) Saka Jehovha anoona kugara tichiita zvakanaka uye tichibatsira vamwe sechibayiro chinogamuchirika kwaari. Kuda vamwe saizvozvo kunosiyanisa vaKristu vechokwadi nevamwe vanhu.—Joh. 13:34, 35; VaK. 1:10.

ZVIBAYIRO PAKUNAMATA

10, 11. Jehovha anoona sei ushumiri hwedu hwechiKristu uye kunamata kwedu, uye izvi zvinofanira kutikurudzira kuitei?

10 Imwe nzira iyo vaKristu vanoitira vamwe zvakanaka ndeyo“kuzivisa tariro yedu pachena.” Unoshandisa mikana yose kuti uparidze here? Pauro akadana basa iri romuKristu rinokosha kuti “chibayiro chokurumbidza . . . chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita [raMwari].” (VaH. 10:23; 13:15; Hos. 14:2) Pane zvakawanda zvinogona kutaurwa nezvenguva uye maparidziro atinoita mashoko akanaka oUmambo, uye hurukuro dzakawanda dzeMusangano Webasa dzinotibatsira kufunga nezvazvo. Asi tichitaura muchidimbu, basa redu romumunda nokupupura zvisina kurongwa kunotova kunamata, kana kuti kupa “chibayiro chokurumbidza.” Saka chibayiro ichocho chinofanira kuva chakanakisisa. Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu achisiyana, nguva yatinopedza tichizivisa mashoko akanaka inowanzoratidza kuonga kwatinoita zvinhu zvokunamata.

11 VaKristu vanogara vachiwana nguva yokunamata vari voga kana kuti seboka. Jehovha anoda kuti tidaro. Ichokwadi kuti hatichachengeti Sabata kana kugara tichienda kuJerusarema kumitambo. Asi zvinhu izvozvo zvaiitwa kare zvine zvazvakafanana nazvo muupenyu hwomuKristu. Mwari achiri kutarisira kuti tirege mabasa akafa uye kuti tidzidze Shoko rake, tinyengetere, uye tipinde misangano yechiKristu. Uye misoro yemhuri dzechiKristu ndiyo inoronga kuti vanamate semhuri. (1 VaT. 5:17; VaH. 10:24, 25) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Pane zvandinofanira kuvandudza pamanamatiro angu here?’

12. (a) Kupisira rusenzi kwaiitwa kare pakunamata kungafananidzwa nei mazuva ano? (b) Kufanana ikoko kunofanira kuita kuti minyengetero yedu ive yakaita sei?

12 Mambo Dhavhidhi akaimbira Jehovha kuti: “Munyengetero wangu ngaugadzirirwe serusenzi pamberi penyu.” (Pis. 141:2) Chimbofunga nezveminyengetero yako, kuti unonyengetera kakawanda sei uye nezvei. Bhuku raZvakazarurwa rinofananidza “minyengetero yevatsvene” nerusenzi pakuti minyengetero inogamuchirika inokwira kuna Jehovha sokunhuhwirira kunofadza. (Zvak. 5:8) MuIsraeri yekare, rusenzi yaigara ichipiwa paatari yaJehovha yaifanira kunyatsogadzirwa sezvaidiwa. Jehovha aingoigamuchira chete kana yapisirwa maererano nemirayiro yaainge apa. (Eks. 30:34-37; Revh. 10:1, 2) Saka kana tikanyengeterawo sezvinodiwa naJehovha, tinogona kuva nechokwadi chokuti achateerera.

KUPA UYE KUGAMUCHIRA

13, 14. (a) Epafrodhito neungano yeFiripi vakaitirei Pauro, uye muapostora wacho akanzwa sei? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waEpafrodhito nevaFiripi?

13 Mari yatinopa yokutsigira basa romunyika yose inogona kufananidzwa nechibayiro, pasinei nokuti ishoma kana kuti izhinji. (Mako 12:41-44) Muzana remakore rokutanga C.E., ungano yaiva muFiripi yakatuma Epafrodhito kuRoma kuti anobatsira Pauro pane zvaaida. Zviri pachena kuti nhume iyoyo yevaFiripi yakabatiswa chipo chemari neungano yacho. Aka kaisava kekutanga kuti vaFiripi varatidze rupo kuna Pauro. Vakaratidza mutsa vachiitira kuti Pauro asanetseka nenyaya dzemari asi kuti ave nenguva yakawanda youshumiri. Pauro akaona sei chipo chacho? Akachiti “kunhuhwirira kwakanaka, icho chibayiro chinogamuchirika, chinofadza Mwari kwazvo.” (Verenga VaFiripi 4:15-19.) Zvechokwadi Pauro akaonga mutsa wevaFiripi, uye ndizvo zvakaitawo Jehovha.

14 Mazuva ano, Jehovha anoongawo chaizvo zvipo zvatinopa zvokutsigira basa romunyika yose. Uyezve, anovimbisa kuti kana tikaramba tichiisa Umambo pakutanga muupenyu, achatipa zvose zvinodiwa pakurarama uye pakunamata.—Mat. 6:33; Ruka 6:38.

RATIDZA KUONGA

15. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoita kuti uonge Jehovha?

15 Zvaizoda nguva refu kuti tidonongodze zvikonzero zvakawanda zvatinazvo zvokuti tionge Jehovha. Handi chokwadi here kuti zuva rega rega tinofanira kumuonga nokuda kwechipo choupenyu? Anotipa zvose zvatinoda kuti tirarame; zvokudya, zvokupfeka, pokugara uyewo mhepo yokufema. Uyezve, kutenda kwedu kunobva pazivo yakarurama kunotipa tariro. Zvakakodzera kuti tinamate Jehovha uye timupe zvibayiro zvokurumbidza, nemhaka yezvaari uye zvaakatiitira.—Verenga Zvakazarurwa 4:11.

16. Tingaratidza sei kuti tinoonga chibayiro chorudzikinuro chaKristu?

16 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, chipo chakapiwa vanhu naMwari chinonyanya kukosha ndechechibayiro chorudzikinuro chaKristu. Chinoratidza kudiwa kwatinoitwa naMwari. (1 Joh. 4:10) Tinoratidza sei kuti tinochionga? Pauro akazivisa kuti: “Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose; . . . akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaK. 5:14, 15) Zvaitaurwa naPauro ndezvokuti kana tichionga zvatakaitirwa naMwari, tichashandisa upenyu hwedu kukudza Mwari neMwanakomana wake. Kuda uye kuonga kwatinoita Mwari uye Kristu kunoratidzwa nokuteerera kwatinoita uye chido chedu chokuparidza nokuita kuti vamwe vave vadzidzi.—1 Tim. 2:3, 4; 1 Joh. 5:3.

17, 18. Vamwe vakawedzera sei chibayiro chavo chokurumbidza Jehovha? Ipa muenzaniso.

17 Zvingaita here kuti uvandudze chibayiro chokurumbidza chaunopa Mwari? Pashure pokufunga zvakanaka zvose zvavakaitirwa naJehovha, vakawanda vakaronga nguva yavo nezvinhu vachiitira kuti vawedzere nguva yavanopedza vari mubasa rokuparidza Umambo nemamwe mabasa okunamata. Vamwe vakakwanisa kuita upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe kana kupfuura pagore, kana kuita upiyona hwenguva dzose. Vamwewo vakatanga basa rokuvaka zvivako zvokushandisa pakunamata. Idzi hadzisi nzira dzakazonaka dzokuratidza nadzo kuonga kwedu here? Kana tikaita mabasa aya matsvene nevavariro yakanaka, kuti tiratidze kuonga kwedu, Mwari achazvigamuchira.

18 Nezvavakaitirwa naJehovha, vaKristu vakawanda vakanzwa vaine chikwereti, zvikaita kuti vade kuratidza kuonga kwavo. Mumwe akadaro ndiMorena. Akatsvaka mhinduro dzemibvunzo yakawanda yaaiva nayo pamusoro paMwari muchechi yeRoma yaakakurira, uye muuzivi hwokuAsia. Asi haana kuwana mhinduro dzinogutsa. Mibvunzo yake yakazopindurwa paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mhinduro dzeMagwaro uye kumubatsira kwadzakaita zvakaita kuti Morena aonge chaizvo Jehovha zvokuti akanzwa achida kushandisa simba rake rose mubasa raMwari. Angobhabhatidzwa, akatanga kuita upiyona hwebetsero, uye akava piyona wenguva dzose zvinhu pazvakanga zvava kumubvumira. Izvozvo zvakaitika makore 30 apfuura uye Morena achiri mubasa renguva yakazara.

19. Ungaitei kuti uwedzere zvibayiro zvaunopa Jehovha?

19 Ichokwadi kuti pane vashumiri vakawanda vaJehovha vakatendeka vane mamiriro ezvinhu asingavabvumidzi kuva mapiyona. Pasinei nezvatinogona kuita mubasa raJehovha, tose tinogona kumupa zvibayiro zvinogamuchirika. Nemaitiro edu, tinofanira kunyatsoteerera mitemo yakarurama, tichiyeuka kuti tinomiririra Jehovha nguva dzose. Nemhaka yokutenda, tinonyatsovimba nokuzadziswa kwezvinangwa zvaMwari. Nemabasa akanaka, tinobatsira pakuparadzira mashoko akanaka. Ngatirambei tichipa Jehovha zvibayiro zvomweya wose kuti tiratidze kunyatsoonga kwatinoita zvose zvaakatiitira.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Zvakanaka zvatinoitirwa naJehovha zvinoita kuti uvandudze chibayiro chako chokurumbidza here?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Unoshandisa mikana yose kuti uparidze here?