Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Nderekare Asi Richiri Kushanda

Bhaibheri Nderekare Asi Richiri Kushanda

Vanhu vakawanda vanoremekedza chaizvo Bhaibheri. Asi haringogumiri pakutiudza zvatinofanira kuita pakunamata Mwari. Rine mazano anotibatsira pakurarama kwezuva nezuva.

Inzwa zvakataurwa nevamwe nezvekubatsirwa kwavakaitwa neBhaibheri.

“Handichanyanyi kunetseka. Maonero andava kuita zvinhu muupenyu achinja. Ndava kufara.”​—Fiona.

“Kudzidza Bhaibheri kwakandibatsira kuti ndirarame upenyu hune chinangwa.”​—Gnitko.

“Upenyu hwangu hwachinja uye ndiri kufara. Ndava kushanda nguva shoma uye zviri kuita kuti ndive nenguva yakawanda ndiine mhuri yangu.”​—Andrew.

Vanhu ava vataurwa havasi ivo vega vari kubatsirwa neBhaibheri. Kune vakawanda vakaonawo kuti Bhaibheri riri kuvabatsira muupenyu hwavo.

Ngatimboonai kuti Bhaibheri ringakubatsira sei pazvinhu zvinotevera:

  • Utano

  • Unhu

  • Kuwirirana mumhuri uye neshamwari

  • Kushandisa mari zvakanaka

  • Pakunamata

Nyaya dzinotevera dzicharatidza kuti Bhaibheri ringakubatsira sei muupenyu hwako.