KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuchengetedza Nzvimbo Dzatinonamatira
Dzimba dzeUmambo dzakasiyana nezvimwe zvivako pakuti inzvimbo dzakatsaurirwa kuna Jehovha. Mumwe nemumwe wedu angaitei kuti Imba yeUmambo igare ichiratidzika zvakanaka? Kana mapedza kuona vhidhiyo inonzi Kuchengetedza Nzvimbo Dzatinonamatira kurukurai nevateereri mibvunzo iyi:
-
Dzimba dzeUmambo dzinoshandiswa kuitei?
-
Nei tichifanira kuchengeta Imba yeUmambo yakachena uye zvinhu zvichishanda zvakanaka?
-
Ibasa raani kuti Imba yeUmambo irambe ichiratidzika zvakanaka?
-
Nei tichifanira kudzivisa njodzi, uye ndezvipi zvawaona muvhidhiyo panyaya iyi?
-
Tingaratidza sei kuti tinokudza Jehovha nemari yezvipo yatinopa?